id
int64
1
31k
verse_id
stringlengths
7
11
translation
dict
31,001
ZEP_2_13
{ "en": "And he will stretch out his hand against the north, and destroy Assyria, and will make Nineveh a desolation, and dry like the wilderness.", "sna": "Achatambanudza ruoko rwake kuti arwise nyika yokumusoro agoparadza Asiria, achasiya Ninevhe rava dongo zvachose uye raoma segwenga." }
31,002
ZEP_2_14
{ "en": "And herds shall lie down in the midst of her, all the beasts of the nations: both the pelican and the porcupine shall lodge in the capitals thereof; their voice shall sing in the windows; desolation shall be in the thresholds: for he hath laid bare the cedar-work.", "sna": "Mapoka amakwai nemombe zvichavata pasi imomo, nezvipuka zvamarudzi ose. Zizi romurenje nezizi romurwizi zvichavata pamusoro pembiru dzavo. Kudana kwazvo kuchaungira nomumawindo, marara achava pamisuo yavo, mapango omusidhari achasiyiwa pachena." }
31,003
ZEP_2_15
{ "en": "This is the joyous city that dwelt carelessly, that said in her heart, I am, and there is none besides me: how is she become a desolation, a place for beasts to lie down in! every one that passeth by her shall hiss, and wag his hand.", "sna": "Iri ndiro guta risina hanya raigara vakachengetedzeka. Rakati mumwoyo maro, “Ndini, uye hakuna mumwe kunze kwangu.” Razova dongo rakadii, nzvimbo inovata mhuka dzesango! Vose vanopfuura napariri vanoseka Uye vanokunga zvibhakera zvavo." }
31,004
ZEP_2_2
{ "en": "before the decree bring forth, before the day pass as the chaff, before the fierce anger of Jehovah come upon you, before the day of Jehovah’s anger come upon you.", "sna": "nguva dzakatarwa dzisati dzasvika uye zuva iroro risati rapfuura sehundi, kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rehasha dzaJehovha risati rauya pamusoro penyu." }
31,005
ZEP_2_3
{ "en": "Seek ye Jehovah, all ye meek of the earth, that have kept his ordinances; seek righteousness, seek meekness: it may be ye will be hid in the day of Jehovah’s anger.", "sna": "Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro vapanyika, imi mose munoita zvaakarayira. Tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungadzivirirwa pazuva rokutsamwa kwaJehovha." }
31,006
ZEP_2_4
{ "en": "For Gaza shall be forsaken, and Ashkelon a desolation; they shall drive out Ashdod at noonday, and Ekron shall be rooted up.", "sna": "Gaza richasiyiwa uye Ashikeroni richasiyiwa rava dongo. Pamasikati makuru Ashidhodhi richasiyiwa risisina chinhu uye Ekironi radzurwa." }
31,007
ZEP_2_5
{ "en": "Woe unto the inhabitants of the sea-coast, the nation of the Cherethites! The word of Jehovah is against you, O Canaan, the land of the Philistines; I will destroy thee, that there shall be no inhabitant.", "sna": "Mune nhamo imi munogara pedyo negungwa, imi vanhu veKereti; shoko raJehovha rinokurwisa, iwe Kenani nyika yavaFiristia. “Ndichakuparadza, uye hapana achasara.”" }
31,008
ZEP_2_6
{ "en": "And the sea-coast shall be pastures, with cottages for shepherds and folds for flocks.", "sna": "Nyika iri pedyo negungwa, panogara vaKereti, ichava nzvimbo yavafudzi namatanga ehwai." }
31,009
ZEP_2_7
{ "en": "And the coast shall be for the remnant of the house of Judah; they shall feed their flocks thereupon; in the houses of Ashkelon shall they lie down in the evening; for Jehovah their God will visit them, and bring back their captivity.", "sna": "Ichava yavakasara veimba yavaJudha; vachawana mafuro ikoko. Mumadekwana vachavata pasi mudzimba dzaAshikeroni. Jehovha Mwari wavo achavachengeta; Achavadzorera pfuma yavo." }
31,010
ZEP_2_8
{ "en": "I have heard the reproach of Moab, and the revilings of the children of Ammon, wherewith they have reproached my people, and magnified themselves against their border.", "sna": "“Ndakanzwa kutuka kwaMoabhu nokuzvidza kwavaAmoni, avo vakatuka vanhu vangu uye vakatyisidzira nyika yavo." }
31,011
ZEP_2_9
{ "en": "Therefore as I live, saith Jehovah of hosts, the God of Israel, Surely Moab shall be as Sodom, and the children of Ammon as Gomorrah, a possession of nettles, and saltpits, and a perpetual desolation: the residue of my people shall make a prey of them, and the remnant of my nation shall inherit them.", "sna": "Naizvozvo, zvirokwazvo noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, “zvirokwazvo Moabhu achaita seSodhomu, vaAmoni seGomora, nzvimbo yesora namakomba emunyu, matongo nokusingaperi. Vakasara vavanhu vangu vachavapamba; vachararama vorudzi rwangu vachagara nhaka yenyika yavo.”" }
31,012
ZEP_3_1
{ "en": "Woe to her that is rebellious and polluted! to the oppressing city!", "sna": "Rine nhamo guta ravamanikidzi, rakapanduka uye rikasvibiswa!" }
31,013
ZEP_3_10
{ "en": "From beyond the rivers of Ethiopia my suppliants, even the daughter of my dispersed, shall bring mine offering.", "sna": "Kubva mhiri kwenzizi dzeEtiopia vanamati vangu, vanhu vangu vakapararira, vachandiunzira zvipiriso." }
31,014
ZEP_3_11
{ "en": "In that day shalt thou not be put to shame for all thy doings, wherein thou hast transgressed against me; for then I will take away out of the midst of thee thy proudly exulting ones, and thou shalt no more be haughty in my holy mountain.", "sna": "Pazuva iro hamungaiswi pakunyadziswa nokuda kwezvakaipa zvamakandiitira, nokuti ndichabvisa kubva muguta rino vaya vanofara mukuzvikudza kwavo. Hamungazovizve namanyawi pagomo rangu dzvene." }
31,015
ZEP_3_12
{ "en": "But I will leave in the midst of thee an afflicted and poor people, and they shall take refuge in the name of Jehovah.", "sna": "Asi ndichasiya pakati penyu vanyoro vanozvininipisa, vanovimba nezita raJehovha." }
31,016
ZEP_3_13
{ "en": "The remnant of Israel shall not do iniquity, nor speak lies; neither shall a deceitful tongue be found in their mouth; for they shall feed and lie down, and none shall make them afraid.", "sna": "Vakasara vaIsraeri havangaiti zvakaipa; havangarevi nhema, uye kunyengera hakuzowanikwi mumiromo yavo. Vachadya uye vagorara pasi, uye hapana angavatyisa.”" }
31,017
ZEP_3_14
{ "en": "Sing, O daughter of Zion; shout, O Israel; be glad and rejoice with all the heart, O daughter of Jerusalem.", "sna": "Imba, iwe Mwanasikana weZioni, danidzira, iwe Israeri! Fara ugofarisisa nomwoyo wako wose, iwe Mwanasikana weJerusarema!" }
31,018
ZEP_3_15
{ "en": "Jehovah hath taken away thy judgments, he hath cast out thine enemy: the King of Israel, even Jehovah, is in the midst of thee; thou shalt not fear evil any more.", "sna": "Jehovha abvisa kurangwa kwako kwose, adzinga muvengi wako. Jehovha, Mambo waIsraeri, anewe; hauzotyizve kuti ungakuvadzwa nechinhu chipi zvacho." }
31,019
ZEP_3_16
{ "en": "In that day it shall be said to Jerusalem, Fear thou not; O Zion, let not thy hands be slack.", "sna": "Pazuva iro vachati kuJerusarema, “Usatya, iwe Zioni; usarega maoko ako achishayiwa simba." }
31,020
ZEP_3_17
{ "en": "Jehovah thy God is in the midst of thee, a mighty one who will save; he will rejoice over thee with joy; he will rest in his love; he will joy over thee with singing.", "sna": "Jehovha Mwari wako anewe, ndiye ane simba rokuponesa. Achafadzwa zvikuru newe, achakunyaradza norudo rwake, achafara nokuda kwako nokuimba.”" }
31,021
ZEP_3_18
{ "en": "I will gather them that sorrow for the solemn assembly, who were of thee; to whom the burden upon her was a reproach.", "sna": "“Matambudziko emitambo yakatarwa ndichaabvisa kwauri; iwo mutoro nokuzvidzwa kwauri." }
31,022
ZEP_3_19
{ "en": "Behold, at that time I will deal with all them that afflict thee; and I will save that which is lame, and gather that which was driven away; and I will make them a praise and a name, whose shame hath been in all the earth.", "sna": "Panguva iyoyo ndichatonga vose vakakumanikidza; ndichanunura vakaremara uye ndichaunganidza vaya vakaparadzirwa. Ndichavapa rumbidzo norukudzo munyika dzose dzavakaiswa pakunyadziswa." }
31,023
ZEP_3_2
{ "en": "She obeyed not the voice; she received not correction; she trusted not in Jehovah; she drew not near to her God.", "sna": "Harina warinoteerera, harigamuchiri kudzorwa. Harivimbi naJehovha, hariswederi pedyo naMwari waro." }
31,024
ZEP_3_20
{ "en": "At that time will I bring you in, and at that time will I gather you; for I will make you a name and a praise among all the peoples of the earth, when I bring back your captivity before your eyes, saith Jehovah.", "sna": "Panguva iyoyo ndichakuunganidzai; panguva iyoyo ndichakuuyisai kumusha. Ndichakupai rukudzo nerumbidzo pakati pavanhu vose vapanyika, pandichadzora pfuma yenyu muchizviona nameso enyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha." }
31,025
ZEP_3_3
{ "en": "Her princes in the midst of her are roaring lions; her judges are evening wolves; they leave nothing till the morrow.", "sna": "Machinda aro ishumba dzinoomba, vatongi varo mapere amadekwana, vasingasiyi chinhu chamangwanani." }
31,026
ZEP_3_4
{ "en": "Her prophets are light and treacherous persons; her priests have profaned the sanctuary, they have done violence to the law.", "sna": "Vaprofita vavo vanozvikudza; vanhu vanonyengera. Vaprista varo vanozvidza nzvimbo tsvene uye vanoputsa murayiro." }
31,027
ZEP_3_5
{ "en": "Jehovah in the midst of her is righteous; he will not do iniquity; every morning doth he bring his justice to light, he faileth not; but the unjust knoweth no shame.", "sna": "Jehovha ari mariri mutsvene; haaiti zvakaipa. Mangwanani oga oga anotonga nokururamisira kwake, zuva rimwe nerimwe idzva anoriuyisa, asi vasakarurama havanyari." }
31,028
ZEP_3_6
{ "en": "I have cut off nations; their battlements are desolate; I have made their streets waste, so that none passeth by; their cities are destroyed, so that there is no man, so that there is no inhabitant.", "sna": "“Ndakaparadza ndudzi; shongwe dzavo dzakaparara. Ndakasiya nzira dzavo dzisisafambwi, hapasisina anopfuura nomo. Maguta avo akaparadzwa; hapana achasiyiwa, kana mumwe zvake." }
31,029
ZEP_3_7
{ "en": "I said, Only fear thou me; receive correction; so her dwelling shall not be cut off, according to all that I have appointed concerning her: but they rose early and corrupted all their doings.", "sna": "Ndakati kuguta, ‘Zvirokwazvo uchanditya ugogamuchira kudzorwa!’ Ipapo vagari varo havangaparadzwi, kana kuranga kwangu kwose hakungauyi pariri. Asi vakanga vachine shungu dzokuita uori pakuita kwavo kwose." }
31,030
ZEP_3_8
{ "en": "Therefore wait ye for me, saith Jehovah, until the day that I rise up to the prey; for my determination is to gather the nations, that I may assemble the kingdoms, to pour upon them mine indignation, even all my fierce anger; for all the earth shall be devoured with the fire of my jealousy.", "sna": "Naizvozvo ndimirirei,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “zuva randichasimuka kuti ndigopupura. Ndafunga kuunganidza ndudzi, kuunganidza ushe hwose uye nokudurura hasha dzangu pavari, kutsamwa kukuru kwangu kwose. Nyika yose ichaparadzwa nomoto wegodo rokutsamwa kwangu." }
31,031
ZEP_3_9
{ "en": "For then will I turn to the peoples of a pure language, that they may all call upon the name of Jehovah, to serve him with one consent.", "sna": "“Ipapo ndichachenesa miromo yavanhu, kuti vose zvavo vadane kuzita raJehovha uye vamushumire nomwoyo mumwe." }