id
int64
1
27.8k
verse_id
stringlengths
7
10
translation
dict
101
1CH_13_13
{ "fra": "Il ne transféra donc pas le coffre chez lui, dans la Cité de David, mais le fit déposer dans la maison d'Obed-Édom, un homme originaire de Gath.", "sna": "Haana kutora areka kuti ive naye muguta raDhavhidhi. Asi akaenda nayo kuimba yaObhedhi-Edhomu muGiti." }
102
1CH_13_14
{ "fra": "Le coffre demeura trois mois dans la famille d'Obed-Édom, et le Seigneur bénit sa famille et tous ses biens .", "sna": "Areka yaMwari yakasara mumhuri yaObhedhi-Edhomu muimba yake kwemwedzi mitatu, uye Jehovha akaropafadza imba yake nezvose zvaakanga anazvo." }
103
1CH_13_2
{ "fra": "Ensuite il dit à tous les Israélites rassemblés: «Si vous le jugez bon, et si le Seigneur notre Dieu l'approuve, hâtons-nous d'envoyer des messagers à nos compatriotes restés dans tout le territoire d'Israël, en particulier aux prêtres et aux lévites dans les villes et régions avoisinantes qu'ils habitent. Invitons-les à nous rejoindre.", "sna": "Akati kuungano yose yeIsraeri, “Kana zvichiita sezvakakunakirai uye kana kuri kuda kwaJehovha Mwari wedu, ngatitumirei shoko kwose kwose kuhama dzedu dzakasara munyika yose yeIsraeri, nokuvaprista navaRevhi vavagere navo mumaguta avo nokumafuro avo kuti vauye vazobatana nesu." }
104
1CH_13_3
{ "fra": "Nous ramènerons alors le coffre sacré de notre Dieu chez nous, puisque nous ne nous en sommes pas préoccupés du temps de Saül.»", "sna": "Ngatidzorei areka yaMwari wedu kwatiri zvakare, nokuti izvi hatina kuzvibvunza panguva yokutonga kwaSauro.”" }
105
1CH_13_4
{ "fra": "Toute l'assemblée trouva le projet judicieux et décida qu'il fallait le réaliser.", "sna": "Ungano yose yakabvuma kuita izvi, nokuti zvairatidzika kunge zvakanaka kuvanhu vose." }
106
1CH_13_5
{ "fra": "David convoqua donc les Israélites de tout le pays, depuis la frontière d'Égypte au sud, jusqu'à Lebo-Hamath au nord, pour aller chercher le coffre sacré à Quiriath-Yéarim .", "sna": "Saka Dhavhidhi akaunganidza vaIsraeri vose kubva kuRwizi Shihori muIjipiti kusvika kuRebho Hamati, kuti vatore areka yaMwari kubva kuKiriati Jearimi." }
107
1CH_13_6
{ "fra": "Avec eux il se rendit à Baala, c'est-à-dire Quiriath-Yéarim, en Juda, pour y reprendre le coffre de Dieu, “le coffre du Seigneur qui siège au-dessus des chérubins ”, comme on l'appelle.", "sna": "Dhavhidhi navaIsraeri vose vaiva naye vakaenda kuBhaara reJudha (Kiriati Jearimi) kuti vandotora areka yaMwari Jehovha, agere pakati pamakerubhi, iyo areka inodaidzwa neZita irori." }
108
1CH_13_7
{ "fra": "Il se trouvait dans la maison d'Abinadab. On le déposa sur un char neuf, que conduisirent Ouza et Ahio.", "sna": "Vakatakura areka yaMwari kubva muimba yaAbhinadhabhi iri mungoro itsva, Uza naAhio vakaitungamirira." }
109
1CH_13_8
{ "fra": "David et tous les Israélites exprimaient leur joie devant Dieu de toute leur force: ils chantaient avec accompagnement de lyres, de harpes, de tambourins, de cymbales et de trompettes.", "sna": "Dhavhidhi navaIsraeri vose vakanga vachipembera nesimba ravo rose pamberi paMwari, nenziyo, nembira, nemitengeranwa, netambureni, nemakandira nehwamanda." }
110
1CH_13_9
{ "fra": "Lorsqu'on arriva près de l'aire de Kidon , les bœufs faillirent faire tomber le coffre sacré. Ouza essaya, de la main, de le retenir.", "sna": "Pavakasvika paburiro raKidhoni, Uza akatambanudza ruoko rwake kuti atsigire areka nokuti nzombe dzakanga dzagumburwa." }
111
1CH_14_1
{ "fra": "Hiram, roi de Tyr, envoya une délégation à David. Il lui fit livrer du bois de cèdre et lui envoya aussi des tailleurs de pierre et des charpentiers pour lui construire un palais.", "sna": "Zvino Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi namatanda emisidhari navavaki, navavezi, kuti vamuvakire imba youmambo." }
112
1CH_14_10
{ "fra": "David consulta Dieu: «Dois-je aller attaquer les Philistins? demanda-t-il. Les livreras-tu en mon pouvoir?» – «Va les attaquer! répondit le Seigneur. Je te les livrerai.»", "sna": "saka Dhavhidhi akabvunza kuna Mwari akati, “Ndingaenda here kundorwisa vaFiristia? Mungavaisa mumaoko angu here?” Jehovha akapindura akati, “Enda ndichavaisa mumaoko ako.”" }
113
1CH_14_11
{ "fra": "Les Philistins s'avancèrent jusqu'à Baal-Perassim , où David les battit. David déclara: «Par ma main, Dieu a fait une brèche dans les rangs de mes ennemis, comme un torrent dans une digue.» – De là vient le nom donné à cet endroit, Baal-Perassim, ce qui signifie “le Maître des Brèches”. –", "sna": "Saka Dhavhidhi navanhu vake vakakwidza kuBhaari Perazimu uye ikoko akavakunda akati, “Sokupwanya kunoita mvura, Mwari akapwanya vavengi vangu noruoko rwangu.” Saka nzvimbo iyoyo yakatumidzwa kunzi Bhaari Perazimu." }
114
1CH_14_12
{ "fra": "Les Philistins, en fuyant, avaient abandonné sur place les statues de leurs dieux; David ordonna qu'on les brûle.", "sna": "VaFiristia vakasiya vamwari vavo ipapo, Dhavhidhi akarayira kuti vapiswe mumoto." }
115
1CH_14_13
{ "fra": "Les Philistins recommencèrent à ravager la vallée des Refaïtes.", "sna": "VaFiristia vakarwisa zvakare mupata uya." }
116
1CH_14_14
{ "fra": "David consulta de nouveau Dieu, qui lui dit: «Ne les attaque pas par derrière, fais un détour à bonne distance et approche-toi d'eux aux abords de la forêt de micocouliers .", "sna": "Saka Dhavhidhi akabvunza Mwari zvakare, Mwari akamupindura akati, “Usangonanga ikoko asi vakomberedze wozovarwisa wava pamberi pemiti yemibharisamu." }
117
1CH_14_15
{ "fra": "Lorsque tu entendras un bruit de pas à la cime des arbres, lance une attaque, car c'est à ce moment-là que je me serai avancé devant toi pour battre l'armée philistine.»", "sna": "Pamunotanga kunzwa kutinhira kwokufamba pamisoro yemiti yemibharisamu, unofanira kubuda kundorwa, nokuti zvichange zvichireva kuti Mwari akutungamirira kundoparadza hondo yavaFiristia.”" }
118
1CH_14_16
{ "fra": "David agit selon les ordres du Seigneur. Les Israélites purent ainsi battre les Philistins et les poursuivre de Gabaon à Guézer .", "sna": "Saka Dhavhidhi akaita sokurayirwa kwaakanga aitwa naMwari, uye vakaparadza hondo yavaFiristia, kubva kuGibheoni, kusvika kuGezeri." }
119
1CH_14_17
{ "fra": "Dès lors la renommée de David se répandit dans tous les pays, et le Seigneur le rendit redoutable à toutes les nations.", "sna": "Saka mukurumbira waDhavhidhi wakapararira nenyika yose uye Jehovha akaita kuti marudzi ose amutye." }
120
1CH_14_2
{ "fra": "David reconnut alors que le Seigneur lui-même l'avait établi roi d'Israël et que sa royauté rayonnait d'un éclat souverain, à cause d'Israël, le peuple de Dieu.", "sna": "Uye Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha akanga amusimbisa samambo pamusoro peIsraeri uye kuti umambo hwake hwakanga hwakudzwa kwazvo nokuda kwavanhu vake Israeri." }
121
1CH_14_3
{ "fra": "A Jérusalem, David épousa encore d'autres femmes dont il eut d'autres fils et filles.", "sna": "MuJerusarema, Dhavhidhi akazvitorerazve vamwe vakadzi akava baba vavanakomana navanasikana vazhinji." }
122
1CH_14_4
{ "fra": "Voici la liste de ses fils nés à Jérusalem: Chammoua, Chobab, Natan, Salomon,", "sna": "Aya ndiwo mazita avana vaakaberekerwa ikoko: Shamua, Shobhabhi, Natani, Soromoni," }
123
1CH_14_5
{ "fra": "Ibar, Élichoua, Elpéleth,", "sna": "Ibhari, Erishua, Eripereti," }
124
1CH_14_6
{ "fra": "Noga, Néfeg, Yafia,", "sna": "Noga, Nefegi, Jafia," }
125
1CH_14_7
{ "fra": "Élichama, Beéliada et Éliféleth.", "sna": "Erishama, Bheeriyadha naErifereti." }
126
1CH_14_8
{ "fra": "Les Philistins apprirent que David avait été consacré roi de l'ensemble d'Israël; alors ils se mirent tous en campagne pour s'emparer de lui. David en fut informé et marcha à leur rencontre.", "sna": "VaFiristia pavakanzwa kuti Dhavhidhi akanga agadzwa kuti ave mambo weIsraeri, vakaenda nehondo yose kundomutsvaka, asi Dhavhidhi akazvinzwa akabuda kundosangana navo." }
127
1CH_14_9
{ "fra": "Les Philistins arrivèrent et ravagèrent la vallée des Refaïtes .", "sna": "Zvino vaFiristia vakanga vauya kuzopamba mupata weRefaimi;" }
128
1CH_15_1
{ "fra": "David se fit construire des maisons dans la Cité de David. Il prépara un emplacement et y dressa une tente pour abriter le coffre sacré de Dieu.", "sna": "Dhavhidhi paakapedza kuzvivakira dzimba muguta raDhavhidhi, akagadzira nzvimbo yainogara areka yaMwari uye akaidzikira tende." }
129
1CH_15_10
{ "fra": "le chef Amminadab et 112 autres membres du clan d'Ouziel.", "sna": "kubva kuzvizvarwa zvaUzieri, Aminadhabhi mutungamiri nehama dzake zana negumi navaviri." }
130
1CH_15_11
{ "fra": "David appela les prêtres Sadoc et Abiatar, et les lévites Ouriel, Assaya, Joël, Chemaya, Éliel et Amminadab.", "sna": "Ipapo Dhavhidhi akadana Zadhoki naAbhiatari vaprista, naUrieri, Asaya, Joere, Shemaya, Erieri naAminadhabhi vaRevhi." }
131
1CH_15_12
{ "fra": "Il leur dit: «Vous qui êtes des chefs de familles lévitiques, purifiez -vous, ainsi que les membres de vos familles, puis allez chercher le coffre du Seigneur, du Dieu d'Israël, pour l'amener à l'endroit que j'ai préparé pour lui.", "sna": "Akati kwavari, “Imi muri vakuru vemhuri dzavaRevhi, imi navamwe vaRevhi vose munofanira kuzvinatsa kuti mukwire neareka yaJehovha Mwari weIsraeri kunzvimbo yandakaigadzirira." }
132
1CH_15_13
{ "fra": "La première fois, vous n'étiez pas là, et à cause de cela le Seigneur notre Dieu nous a porté un coup mortel. En effet, nous ne l'avions pas consulté selon les règles .»", "sna": "Izvi zvakaitika nokuti imi vaRevhi hamuna kukwira neareka pakutanga paya Jehovha Mwari wedu paakatiratidza kutsamwa kukuru. Hatina kunge tabvunza kwaari kuti tingazviite sei nenzira yakarayirwa.”" }
133
1CH_15_14
{ "fra": "Les prêtres et les lévites se purifièrent en vue du transport du coffre sacré.", "sna": "Saka vaprista navaRevhi vakazvinatsa kuti vakwire neareka yaJehovha Mwari waIsraeri." }
134
1CH_15_15
{ "fra": "Les lévites chargèrent ensuite le coffre sur leurs épaules, au moyen des barres, conformément aux instructions que Moïse avait données de la part du Seigneur .", "sna": "Uye vaRevhi vakatakura areka yaMwari namatanda pamapfudzi avo, sezvakanga zvarayirwa naMozisi maererano neshoko raJehovha." }
135
1CH_15_16
{ "fra": "David ordonna aux chefs des lévites de placer les membres de leurs familles qui devaient chanter en s'accompagnant de harpes, de lyres et de cymbales, et qui devaient manifester leur joie par une musique éclatante.", "sna": "Dhavhidhi akataurira vatungamiri vavaRevhi kuti vagadze hama dzavo kuti vave vaimbi kuti vazonoimba dzimbo dzomufaro nezviridzwa zvaiti: mitengeranwa, mbira, namakandira." }
136
1CH_15_17
{ "fra": "On donna donc leur place à Héman, fils de Joël, à son collègue Assaf, fils de Bérékia, ainsi qu'à leur collègue Étan, fils de Couchaya, du clan de Merari.", "sna": "Saka vaRevhi vakagadza Hemani mwanakomana waJoere; kubva kuhama dzake Asafi mwanakomana waBherekia; uye kubva kuhama dzavo vaMerari, Etani mwanakomana waKushaya;" }
137
1CH_15_18
{ "fra": "Auprès d'eux et sous leurs ordres se trouvaient d'autres lévites, les portiers Zacharie, Ben , Yaziel, Chemiramoth, Yéhiel, Ounni, Éliab, Benaya, Maasséya, Mattitia, Élifléhou, Micnéya, Obed-Édom et Yéiel.", "sna": "uye pamwe chete navo hama dzavo dzaitevera paukuru dzaiti: Zekaria, Jaazieri, Shemiramoti, Jehieri, Uni, Eriabhi, Bhenaya, Maaseya, Matitia, Eriferehu, Mikineya, Obhedhi-Edhomu, Jeyeri varindi vemikova." }
138
1CH_15_19
{ "fra": "Les chantres Héman, Assaf et Étan jouaient des cymbales de bronze retentissantes;", "sna": "Vaimbi vaiti Hemani, Asafi naEtani vakagadzwa kuti varidze makandira endarira." }
139
1CH_15_2
{ "fra": "Alors il déclara: «Seuls les lévites ont le droit de porter le coffre sacré; ce sont eux en effet que Dieu a choisis à titre définitif pour le porter et pour s'en occuper .»", "sna": "Ipapo Dhavhidhi akati, “Hakuna munhu kunze kwavaRevhi anofanira kutakura areka yaMwari, nokuti Jehovha akavasarudza kuti vatakure areka yaJehovha uye kuti vashumire pamberi pake nokusingaperi.”" }
140
1CH_15_20
{ "fra": "Zacharie, Aziel, Chemiramoth, Yéhiel, Ounni, Éliab, Maasséya et Benaya jouaient sur des harpes les notes aiguës ;", "sna": "Zekaria, Azieri, Shemiramoti, Jehieri, Uni, Eriabhi, Maaseya, naBhenaya vaizoridza mitengeranwa, maererano nearamoti," }
141
1CH_15_21
{ "fra": "Mattitia, Élifléhou, Micnéya, Obed-Édom, Yéiel et Azazia jouaient sur des lyres les notes graves , pour entraîner le chant.", "sna": "uye Matitia, Eriferehu, Mikineya, Obhedhi-Edhomu, Jeyeri, naAzazia vaizoridza mbira maererano neshiminiti." }
142
1CH_15_22
{ "fra": "Kenania, chef des lévites chargés de porter le coffre sacré, devait surveiller ce transport , à cause de sa compétence.", "sna": "Kenania mukuru wavaRevhi ndiye aitungamirira kuimba; ndiro rakanga riri basa rake nokuti aiva nyanzvi pariri." }
143
1CH_15_23
{ "fra": "Les portiers Bérékia et Elcana devaient se tenir près du coffre,", "sna": "Bherekia naErikana ndivo vaizova varindi vemikova weareka." }
144
1CH_15_24
{ "fra": "de même que les portiers Obed-Édom et Yéhia. Quant aux prêtres Chebania, Yochafath, Netanéel, Amassaï, Zacharie, Benaya et Éliézer, ils devaient sonner de la trompette devant le coffre de Dieu.", "sna": "Shebhania, Joshafati, Netaneri, Amasai, Zekaria, Bhenaya naErieza vaprista vaizoridza hwamanda pamberi peareka yaMwari. Obhedhi-Edhomu naJehia vaizovawo vatariri vomusuo weareka." }
145
1CH_15_25
{ "fra": "David, les anciens d'Israël et les commandants militaires qui étaient allés chercher le coffre de l'alliance du Seigneur chez Obed-Édom étaient dans la joie.", "sna": "Dhavhidhi navakuru veIsraeri navakuru vamapoka ane chiuru vakaenda kundotora areka yesungano yaMwari kubva kumba kwaObhedhi-Edhomu, vachifara." }
146
1CH_15_26
{ "fra": "Dieu accorda sa protection aux lévites qui portaient le coffre; alors on lui offrit en sacrifices sept taureaux et sept béliers.", "sna": "Nokuti Mwari akanga abatsira vaRevhi avo vainge vatakura areka yesungano yaMwari, vakabayira Mwari hando nomwe namakondobwe manomwe." }
147
1CH_15_27
{ "fra": "David était vêtu d'un manteau de lin fin, de même que les lévites qui portaient le coffre, les musiciens et Kenania, le responsable du transport . En outre, David portait le pagne de lin des prêtres.", "sna": "Zvino Dhavhidhi akanga akapfeka nguo yomucheka wakanaka sezvakanga zvakaita vaimbi, naKenania akanga ari mutungamiri wokuimba kuvaimbi. Dhavhidhi akanga akapfekawo efodhi yomucheka." }
148
1CH_15_28
{ "fra": "Tous les Israélites emmenèrent le coffre sacré à Jérusalem, au milieu des ovations, des sonneries de cors et de trompettes, et de la musique des cymbales, des harpes et des lyres.", "sna": "Saizvozvo vaIsraeri vose vakakwidza neareka yesungano yaJehovha vachidanidzira, uye vachiridza mimhanzi yenyanga dzamakondobwe nehwamanda namakandira, uye vachiridza mitengeranwa nembira." }
149
1CH_15_29
{ "fra": "Au moment où le coffre arriva dans la Cité de David, Mikal, fille de Saül, regarda par la fenêtre et vit le roi David danser de joie. Alors elle éprouva un profond mépris pour lui.", "sna": "Zvino areka yesungano yaJehovha yakati yasvika muguta raDhavhidhi, Mikaeri mwanasikana waSauro akatarira napawindo. Uye akaona Mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba, akamushora mumwoyo make." }
150
1CH_15_3
{ "fra": "David convoqua tout Israël à Jérusalem, afin d'amener le coffre à l'emplacement préparé pour lui.", "sna": "Dhavhidhi akaunganidza Israeri yose muJerusarema kuti vatore areka yaJehovha vagoiisa kunzvimbo yaakanga aigadzirira." }
151
1CH_15_4
{ "fra": "Il rassembla les prêtres, descendants d'Aaron, ainsi que les lévites.", "sna": "Akaunganidza zvizvarwa zvaAroni navaRevhi:" }
152
1CH_15_5
{ "fra": "Parmi ces derniers, il y avait: le chef Ouriel, avec 120 autres membres du clan de Quéhath;", "sna": "kubva kuzvizvarwa zvaKohati, Urieri mutungamiri nehama dzake zana namakumi maviri;" }
153
1CH_15_6
{ "fra": "le chef Assaya et 220 autres membres du clan de Merari;", "sna": "kubva kuzvizvarwa zvaMerari, Asaya mutungamiri nehama dzake mazana maviri namakumi maviri;" }
154
1CH_15_7
{ "fra": "le chef Joël et 130 autres membres du clan de Guerchom ;", "sna": "kubva kuzvizvarwa zvaGerishoni, Joere mutungamiri nehama dzake zana namakumi matatu;" }
155
1CH_15_8
{ "fra": "le chef Chemaya et 200 autres membres du clan d'Élissafan;", "sna": "kubva kuzvizvarwa zvaErizafani, Shemaya mutungamiri nehama dzake mazana maviri;" }
156
1CH_15_9
{ "fra": "le chef Éliel et 80 autres membres du clan d'Hébron;", "sna": "kubva kuzvizvarwa zvaHebhuroni, Erieri mutungamiri nehama dzake makumi masere;" }
157
1CH_16_1
{ "fra": "On vint déposer le coffre à l'intérieur de la tente que David avait fait dresser pour lui. Ensuite on offrit à Dieu des sacrifices complets et des sacrifices de communion.", "sna": "Vakauya neareka yaMwari vakaiisa mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana pamberi paMwari." }
158
1CH_16_10
{ "fra": "Soyez fiers de lui, l'unique vrai Dieu, ayez le cœur en joie, fidèles du Seigneur.", "sna": "Zvirumbidzei muzita rake dzvene; mwoyo yaavo vanotsvaka Jehovha ngaifare." }
159
1CH_16_11
{ "fra": "Tournez-vous vers le Seigneur tout-puissant, cherchez continuellement sa présence. Vous qui descendez d'Israël , son serviteur, vous, les fils de Jacob qu'il a choisis, rappelez-vous les merveilles qu'il a faites, rappelez-vous ses prodiges, les décisions qu'il a prononcées.", "sna": "Tarisai kuna Jehovha nokusimba rake; tsvakai chiso chake nguva dzose." }
160
1CH_16_14
{ "fra": "Notre Dieu, c'est lui, le Seigneur; ses décisions concernent la terre entière.", "sna": "Ndiye Jehovha Mwari wedu; mitongo yake iri munyika yose." }
161
1CH_16_15
{ "fra": "Souvenez-vous qu'il s'est engagé pour toujours, qu'il a donné sa parole pour mille générations.", "sna": "Anorangarira sungano yake nokusingaperi, shoko raakarayira, kwechiuru chezvizvarwa." }
162
1CH_16_16
{ "fra": "C'est la promesse qu'il a faite à Abraham, c'est son serment en faveur d'Isaac;", "sna": "Sungano yaakaita naAbhurahama, mhiko yaakapika kuna Isaka." }
163
1CH_16_17
{ "fra": "c'est la décision qu'il a confirmée à Jacob, sa promesse éternelle en faveur d'Israël,", "sna": "Akasimbisa kuna Jakobho somutemo, kuna Israeri sesungano isingaperi, achiti:" }
164
1CH_16_18
{ "fra": "quand il lui a dit: «Je te donne le pays de Canaan, c'est la part qui vous est attribuée, à toi et à tes descendants.»", "sna": "“Kwauri ndichapa nyika yeKenani, sechikamu chenhaka yako.”" }
165
1CH_16_19
{ "fra": "Ceux-ci n'étaient alors qu'en petit nombre, tout juste quelques émigrés dans le pays.", "sna": "Pavakanga vari vashoma, vari vashoma kwazvo, vari vatorwa mairi," }
166
1CH_16_2
{ "fra": "Quand David eut achevé d'offrir ces sacrifices, il bénit le peuple au nom du Seigneur.", "sna": "Dhavhidhi akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha." }
167
1CH_16_20
{ "fra": "Ils allaient d'une nation chez une autre, d'un royaume à un autre.", "sna": "vakadzungaira kubva kuno rumwe rudzi kusvika kuno rumwe, kubva kuno humwe umambo kusvika kuno humwe." }
168
1CH_16_21
{ "fra": "Mais Dieu ne laissa personne les maltraiter, à cause d'eux il avertit des rois:", "sna": "Haana kutendera munhu kuti avadzvinyirire; nokuda kwavo akatuka madzimambo." }
169
1CH_16_22
{ "fra": "«Défense de toucher à ceux que j'ai consacrés, disait-il; défense de faire du mal à ceux qui sont mes porte-parole!»", "sna": "“Musabata vazodziwa vangu; musaitira vaprofita vangu zvakaipa.”" }
170
1CH_16_23
{ "fra": "Gens du monde entier, chantez pour le Seigneur, jour après jour annoncez qu'il est le Sauveur.", "sna": "Imbirai Jehovha, pasi pose; paridzai ruponeso rwake zuva nezuva." }
171
1CH_16_24
{ "fra": "Parlez de sa gloire à tous les hommes, chez tous les peuples racontez ses merveilles.", "sna": "Zivisai kubwinya kwake pakati pendudzi, mabasa ake anoshamisa pakati pavanhu vose." }
172
1CH_16_25
{ "fra": "Le Seigneur est grand et mérite bien qu'on l'acclame. Il est plus redoutable que tous les dieux.", "sna": "Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kwazvo kurumbidzwa; anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose." }
173
1CH_16_26
{ "fra": "Les dieux des nations sont tous des nullités, tandis que le Seigneur a fait le ciel.", "sna": "Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo, asi Jehovha akasika matenga." }
174
1CH_16_27
{ "fra": "Il rayonne de grandeur et de majesté, le lieu où il se trouve est rempli de puissance et d'allégresse.", "sna": "Kubwinya nokukudzwa zviri pamberi pake; simba nomufaro zviri munzvimbo yougaro hwake." }
175
1CH_16_28
{ "fra": "Peuples de tous pays, venez honorer le Seigneur, en proclamant sa gloire et sa puissance.", "sna": "Ipai kuna Jehovha, imi mhuri dzendudzi, ipai Jehovha kukudzwa nesimba," }
176
1CH_16_29
{ "fra": "Venez proclamer sa gloire, apportez vos dons devant lui. Courbez-vous jusqu'à terre devant le Seigneur, quand il manifeste qu'il est Dieu.", "sna": "ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake. Uyai nezvipiriso uye muuye pamberi pake; namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake." }
177
1CH_16_3
{ "fra": "Il fit distribuer des vivres aux Israélites: chaque homme et chaque femme reçut un pain rond, un gâteau de dattes et un gâteau de raisins secs .", "sna": "Ipapo akapa mumwe nomumwe womudzimai nomurume wechiIsraeri rofu rechingwa, keke romuchero womuchindwe nekeke ramazambiringa akaoma." }
178
1CH_16_30
{ "fra": "Tremblez devant lui, gens du monde entier, la terre est ferme, elle tiendra bon.", "sna": "Dederai pamberi pake, imi nyika yose! Nyika yakasimbiswa kwazvo; haingazungunuswi." }
179
1CH_16_31
{ "fra": "Que le ciel se réjouisse, que la terre s'émerveille! Que l'on dise à tous les hommes: «Le Seigneur est roi!»", "sna": "Matenga ngaafare, nyika ngaifare; ngavati pakati pendudzi, “Jehovha anotonga!”" }
180
1CH_16_32
{ "fra": "Que la mer mugisse avec ce qu'elle contient! Que la campagne soit en fête avec tout ce qui la peuple!", "sna": "Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mariri; minda ngaifarisise nezvose zviri mairi." }
181
1CH_16_33
{ "fra": "Que les arbres des forêts poussent des cris de joie devant le Seigneur, car il vient pour rendre la justice sur terre.", "sna": "Ipapo miti yesango ichaimba, ichaimba nomufaro pamberi paJehovha, nokuti anouya kuzotonga nyika." }
182
1CH_16_34
{ "fra": "Louez le Seigneur, car il est bon, et son amour n'a pas de fin .", "sna": "Vongai Jehovha nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi." }
183
1CH_16_35
{ "fra": "Criez vers lui: «Dieu notre Sauveur, sauve-nous, délivre-nous des nations étrangères et rassemble-nous. Alors, en te louant, nous prononcerons ton nom, ton nom unique, nous nous réjouirons de t'acclamer.»", "sna": "Danidzirai muchiti, “Tiponesei, imi Mwari Muponesi wedu; tiunganidzei uye mutirwire pandudzi, kuti tigovonga zita renyu dzvene kuti tifarisise mukukurumbidzai.”" }
184
1CH_16_36
{ "fra": "Merci au Seigneur, au Dieu d'Israël, remerciez-le en tout temps. Et toute l'assemblée s'écria: « Amen ! Acclamez le Seigneur!»", "sna": "Rumbidzai Jehovha, Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Ipapo vanhu vose vakati, “Ameni” uye vakarumbidza Jehovha." }
185
1CH_16_37
{ "fra": "David ordonna ensuite à Assaf et à ses collègues de rester auprès du coffre de l'alliance du Seigneur, pour y accomplir leur service, sans interruption, selon l'ordre prévu pour chaque jour.", "sna": "Dhavhidhi akasiya Asafi navamwe vake pamberi peareka yesungano yaJehovha kuti ashumirepo nguva dzose maererano nezvaidiwa zuva rimwe nerimwe." }
186
1CH_16_38
{ "fra": "Et il désigna comme portiers Obed-Édom et soixante-huit hommes de sa parenté, ainsi qu'Obed-Édom, fils de Yedoutoun, et Hossa.", "sna": "Akasiya Obhedhi-Edhomu navamwe vake makumi matanhatu navasere kuti vashumire navo. Obhedhi-Edhomu mwanakomana waJedhutuni naHosa vaiva vatariri vamasuo." }
187
1CH_16_39
{ "fra": "David confia au prêtre Sadoc et aux prêtres de sa parenté le service du sanctuaire du Seigneur qui se trouvait sur le lieu sacré de Gabaon .", "sna": "Dhavhidhi akasiya Zadhoki muprista navamwe vaprista pamberi petabhenakeri yaJehovha panzvimbo yakakwirira muGibheoni" }
188
1CH_16_4
{ "fra": "David plaça devant le coffre du Seigneur quelques-uns des lévites de service, pour célébrer, louer et acclamer le Seigneur, le Dieu d'Israël.", "sna": "Akagadza vamwe vavaRevhi kuti vashumire pamberi peareka yaJehovha, vakumbirire, vavonge uye kuti varumbidze Jehovha, Mwari waIsraeri:" }
189
1CH_16_40
{ "fra": "Ils devaient y présenter sur l'autel les sacrifices complets offerts au Seigneur chaque matin et chaque soir, et accomplir toutes les tâches inscrites dans la loi que le Seigneur a donnée à Israël.", "sna": "kuti vape zvipiriso zvinopiswa, kuna Jehovha paaritari yezvipiriso zvinopiswa, nguva dzose, mangwanani namanheru maererano nezvose zvakanga zvakanyorwa muMurayiro waJehovha waakanga apa Israeri." }
190
1CH_16_41
{ "fra": "Ils étaient en compagnie de Héman, de Yedoutoun et des autres hommes spécialement désignés pour louer le Seigneur, à cause de son amour sans fin.", "sna": "Pakati pavo paiva naHemani naJedhutuni navamwe vose vaiva vakasarudzwa namazita kuti vavonge Jehovha, “Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.”" }
191
1CH_16_42
{ "fra": "Héman et Yedoutoun s'occupaient des trompettes et des cymbales des musiciens, ainsi que des autres instruments utilisés pour accompagner les chants sacrés. Les fils de Yedoutoun étaient portiers.", "sna": "Hemani naJedhutuni vaiva nebasa rokuridza hwamanda namakandira uye nokuridza zvimwe zviridzwa parwiyo rutsvene. Vanakomana vaJedhutuni vakaitwa vatariri vamasuo." }
192
1CH_16_43
{ "fra": "Ensuite chacun retourna chez soi. David rentra aussi chez lui saluer les siens .", "sna": "Ipapo vanhu vose vakabvapo, mumwe nomumwe akaenda kumba kwake, uye Dhavhidhi akadzokera kumba kwake kundoropafadza mhuri yake." }
193
1CH_16_5
{ "fra": "Assaf les dirigeait et Zacharie le secondait. Yéiel , Chemiramoth, Yéhiel, Mattitia, Éliab, Benaya, Obed-Édom et Yéiel jouaient de la harpe et de la lyre, tandis qu'Assaf faisait retentir des cymbales.", "sna": "Asafi ndiye aiva mukuru wavo, Zekaria wechipiri, kuchitevera Jeyeri Shemiramoti, Jehieri, Matitia, Eriabhi, Bhenaya, Obhedhi-Edhomu naJeyeri. Vaizoridza mitengeranwa nembira; Asafi aizoridza makandira" }
194
1CH_16_6
{ "fra": "Les prêtres Benaya et Yaziel sonnaient continuellement de la trompette devant le coffre sacré.", "sna": "uye Bhenaya naJahazieri vaprista vaizoridza hwamanda nguva dzose pamberi peareka yesungano yaMwari." }
195
1CH_16_7
{ "fra": "Pour la première fois ce jour-là, David chargea Assaf et ses collègues de louer le Seigneur.", "sna": "Zuva iroro Dhavhidhi akapa kwokutanga Asafi navamwe vake pisarema iri rokuvonga Jehovha:" }
196
1CH_16_8
{ "fra": "Louez le Seigneur, dites bien haut qui est Dieu, annoncez aux autres peuples ses exploits.", "sna": "Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai pakati pendudzi dzose zvaakaita." }
197
1CH_16_9
{ "fra": "Chantez pour lui, célébrez-le en musique, parlez de toutes ses merveilles.", "sna": "Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza; taurai zvose zvamabasa ake anoshamisa." }
198
1CH_17_1
{ "fra": "David s'installa dans son palais. Un jour il dit au prophète Natan: «J'habite une maison construite en bois de cèdre et le coffre de l'alliance du Seigneur n'a pour abri que les toiles d'une tente . Qu'en penses-tu?» –", "sna": "Shure kwokunge Dhavhidhi agara mumuzinda wake akati kuna Natani muprofita, “Ndiri pano zvangu ndigere mumuzinda womusidhari, asi areka yesungano yaJehovha iri pasi peTende.”" }
199
1CH_17_10
{ "fra": "à l'époque où j'ai confié à des juges le soin de gouverner Israël, mon peuple; je ferai plier tous tes ennemis. Et je t'annonce que moi, le Seigneur, je vais t'accorder des descendants .", "sna": "uye sezvavakaita kubvira panguva yandakagadza vatungamiri vavanhu vangu Israeri. Ndichakundawo vavengi venyu vose. “ ‘Ndinokuudza kuti Jehovha achakuvakira imba:" }
200
1CH_17_11
{ "fra": "Lorsque sera venu pour toi le moment de mourir, je désignerai l'un de tes propres fils pour te succéder comme roi, et j'établirai fermement son autorité .", "sna": "Kana mazuva ako akwana uye pauchaenda kundova namadzibaba ako, ndichasimudza mwana wako achakutevera paumambo, mumwe wavanakomana vako pachako uye ndichasimbisa umambo hwake." }