id
int64 1
31k
| verse_id
stringlengths 7
11
| translation
dict |
---|---|---|
30,601 |
RUT_4_6
|
{
"en": "And the near kinsman said, I cannot redeem it for myself, lest I mar mine own inheritance: take thou my right of redemption on thee; for I cannot redeem it.",
"sna": "Uye hama yapedyo, mudzikinuri akati, “Kana zvakadaro handingagoni kuudzikinura nokuti ndingazokanganisa nhaka yanguwo. Chiutenga iwe pachako. Ini handikwanisi kuzviita.”"
}
|
30,602 |
RUT_4_7
|
{
"en": "Now this was the custom in former time in Israel concerning redeeming and concerning exchanging, to confirm all things: a man drew off his shoe, and gave it to his neighbor; and this was the manner of attestation in Israel.",
"sna": "(Zvino pamazuva akare muIsraeri, pakutenga nokutsinhana midziyo uye kuti zvisimbiswe, mumwe aibvisa shangu yake oipa kuno mumwe. Iyi ndiyo yaiva nzira yokuita chibvumirano zviri pamutemo muIsraeri.)"
}
|
30,603 |
RUT_4_8
|
{
"en": "So the near kinsman said unto Boaz, Buy it for thyself. And he drew off his shoe.",
"sna": "Naizvozvo hama yapedyo, mudzikinuri akati kuna Bhoazi, “Chiutenga iwe.” Uye akabvisa shangu yake."
}
|
30,604 |
RUT_4_9
|
{
"en": "And Boaz said unto the elders, and unto all the people, Ye are witnesses this day, that I have bought all that was Elimelech’s, and all that was Chilion’s and Mahlon’s, of the hand of Naomi.",
"sna": "Ipapo Bhoazi akazivisa vakuru navanhu vose akati, “Nhasi muri zvapupu zvokuti ndatenga kubva kuna Naomi zvake zvose nazvose zvaiva zvaErimereki, zvaKirioni nezvaMaroni."
}
|
30,605 |
SNG_1_1
|
{
"en": "The Song of songs, which is Solomon’s.",
"sna": "Rwiyo Rukuru rwaSoromoni:"
}
|
30,606 |
SNG_1_10
|
{
"en": "Thy cheeks are comely with plaits of hair , Thy neck with strings of jewels.",
"sna": "Matama ako akashongedzwa zvakanaka nemhete, mutsipa wako nezvuma zvamatombo anokosha."
}
|
30,607 |
SNG_1_11
|
{
"en": "We will make thee plaits of gold With studs of silver.",
"sna": "Tichakugadzirira mhete dzenzeve dzegoridhe nesirivha."
}
|
30,608 |
SNG_1_12
|
{
"en": "While the king sat at his table, My spikenard sent forth its fragrance.",
"sna": "Mambo paakanga agere patafura yake, munhuwi wamafuta andainge ndazora wakapararira."
}
|
30,609 |
SNG_1_13
|
{
"en": "My beloved is unto me as a bundle of myrrh, That lieth betwixt my breasts.",
"sna": "Mudiwa wangu, kwandiri akaita sakahomwe kemura kanogara pakati pamazamu angu."
}
|
30,610 |
SNG_1_14
|
{
"en": "My beloved is unto me as a cluster of henna-flowers In the vineyards of En-gedi.",
"sna": "Mudiwa wangu, kwandiri akaita sesumbu ramaruva machena anobva mubindu remizambiringa yeEni Gedhi."
}
|
30,611 |
SNG_1_15
|
{
"en": "Behold, thou art fair, my love; Behold thou art fair; Thine eyes are as doves.",
"sna": "Kunaka here kwawakaita uku, mudiwa wangu! A-a, wakazonaka! Meso ako injiva chaidzo!"
}
|
30,612 |
SNG_1_16
|
{
"en": "Behold, thou art fair, my beloved, yea, pleasant: Also our couch is green.",
"sna": "Wakanaka sei, mudiwa wangu! A-a, unofadza! Uye mubhedha wedu wakasvibira."
}
|
30,613 |
SNG_1_17
|
{
"en": "The beams of our house are cedars, And our rafters are firs.",
"sna": "Nhungo dzeimba yedu ndedzomusidhari; mbariro dzacho ndedzomupaini."
}
|
30,614 |
SNG_1_2
|
{
"en": "Let him kiss me with the kisses of his mouth; For thy love is better than wine.",
"sna": "Ngaanditsvode hake nokutsvoda kwomuromo wake. Nokuti rudo rwako runofadza kupfuura waini."
}
|
30,615 |
SNG_1_3
|
{
"en": "Thine oils have a goodly fragrance; Thy name is as oil poured forth; Therefore do the virgins love thee.",
"sna": "Kunhuhwirira kwamafuta enyu kunofadza; zita renyu rakafanana namafuta anonhuwirira adururwa. Hazvishamisi kuti mhandara dzinokudai!"
}
|
30,616 |
SNG_1_4
|
{
"en": "Draw me; we will run after thee: The king hath brought me into his chambers; We will be glad and rejoice in thee; We will make mention of thy love more than of wine: Rightly do they love thee.",
"sna": "Nditorei muende neni, ngatikurumidzei. Mambo ngaandipinze mudzimba dzake dzomukati. Tinokupembererai uye tinokufarirai; ticharumbidza rudo rwenyu kupfuura waini. Regai zvenyu mhandara dzikudei!"
}
|
30,617 |
SNG_1_5
|
{
"en": "I am black, but comely, O ye daughters of Jerusalem, As the tents of Kedar, As the curtains of Solomon.",
"sna": "Kusviba ndakasviba zvangu, asi ndakanaka hangu, vanasikana veJerusarema, ndakasviba samatende eKedhari, sezvidzitiro zvetende raSoromoni."
}
|
30,618 |
SNG_1_6
|
{
"en": "Look not upon me, because I am swarthy, Because the sun hath scorched me. My mother’s sons were incensed against me; They made me keeper of the vineyards; But mine own vineyard have I not kept.",
"sna": "Musanditarisisa nokuda kwoutema hwangu, nokuti ndakasvibiswa nezuva. Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira vakandiita kuti ndichengete minda yemizambiringa; munda wangu chaiwo wemizambiringa ndakaushayira nguva."
}
|
30,619 |
SNG_1_7
|
{
"en": "Tell me, O thou whom my soul loveth, Where thou feedest thy flock , Where thou makest it to rest at noon: For why should I be as one that is veiled Beside the flocks of thy companions?",
"sna": "Ndiudze, iwe mudiwa wangu, kwaunofudzira makwai ako nokwaunozorodzera makwai ako masikati. Ko, ndichaitirei somukadzi akafukidza chiso chake pedyo namakwai eshamwari dzako?"
}
|
30,620 |
SNG_1_8
|
{
"en": "If thou know not, O thou fairest among women, Go thy way forth by the footsteps of the flock, And feed thy kids beside the shepherds’ tents.",
"sna": "Kana usingazivi, iwe mukadzi akanaka kukunda vamwe, chitevera makwara amakwai ugondofudzira mbudzana dzako pedyo namatende avafudzi."
}
|
30,621 |
SNG_1_9
|
{
"en": "I have compared thee, O my love, To a steed in Pharaoh’s chariots.",
"sna": "Ndinokufananidza, iwe mudiwa wangu, nebhiza rakasungwa pane imwe yengoro dzaFaro."
}
|
30,622 |
SNG_2_1
|
{
"en": "I am a rose of Sharon, A lily of the valleys.",
"sna": "Ndiri ruva reSharoni, ruva romumipata."
}
|
30,623 |
SNG_2_10
|
{
"en": "My beloved spake, and said unto me, Rise up, my love, my fair one, and come away.",
"sna": "Mudiwa wangu akataura kwandiri akati, “Simuka, mudiwa wangu, iwe munakunaku wangu, uya tiende tose."
}
|
30,624 |
SNG_2_11
|
{
"en": "For, lo, the winter is past; The rain is over and gone;",
"sna": "Tarira! Nguva yechando yapera; mvura yapera; uye haichanayi."
}
|
30,625 |
SNG_2_12
|
{
"en": "The flowers appear on the earth; The time of the singing of birds is come, And the voice of the turtle-dove is heard in our land;",
"sna": "Maruva oonekwa panyika; nguva yokuimba yasvika, kurira kwenjiva kwonzwikwa munyika yedu."
}
|
30,626 |
SNG_2_13
|
{
"en": "The fig-tree ripeneth her green figs, And the vines are in blossom; They give forth their fragrance. Arise, my love, my fair one, and come away.",
"sna": "Muonde wobereka michero yawo yokutanga; uye mizambiringa yotunga maruva ayo anonhuhwira kwazvo. Simuka, uya, mudiwa wangu; munakunaku wangu, uya tiende tose.”"
}
|
30,627 |
SNG_2_14
|
{
"en": "O my dove, that art in the clefts of the rock, In the covert of the steep place, Let me see thy countenance, Let me hear thy voice; For sweet is thy voice, and thy countenance is comely.",
"sna": "Njiva yangu iri mumikaha yedombo, munzvimbo dzokuvanda mumativi egomo, ndiratidze chiso chako, ndinoda kunzwa inzwi rako; nokuti inzwi rako rinotapira, uye chiso chako chinoyevedza."
}
|
30,628 |
SNG_2_15
|
{
"en": "Take us the foxes, the little foxes, That spoil the vineyards; For our vineyards are in blossom.",
"sna": "Tibatirei makava, ivo vana vemakava anoparadza minda yemizambiringa, iyo mizambiringa yedu yotunga maruva."
}
|
30,629 |
SNG_2_16
|
{
"en": "My beloved is mine, and I am his: He feedeth his flock among the lilies.",
"sna": "Mudiwa wangu ndewangu uye ndiri wake; anofamba-famba pakati pamaruva omubani."
}
|
30,630 |
SNG_2_17
|
{
"en": "Until the day be cool, and the shadows flee away, Turn, my beloved, and be thou like a roe or a young hart Upon the mountains of Bether.",
"sna": "Kusvikira zuva rabuda uye mimvuri yatiza, pinduka, mudiwa, ubve waita semhara kana tsvana pamusoro pezvikomo."
}
|
30,631 |
SNG_2_2
|
{
"en": "As a lily among thorns, So is my love among the daughters.",
"sna": "Seruva riri pakati peminzwa, ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pemhandara."
}
|
30,632 |
SNG_2_3
|
{
"en": "As the apple-tree among the trees of the wood, So is my beloved among the sons. I sat down under his shadow with great delight, And his fruit was sweet to my taste.",
"sna": "Somuti womuapuro pakati pemiti yesango, ndizvo zvawakaita mudiwa wangu pakati pamajaya. Ndinofarira kugara mumumvuri wake, uye muchero wake unondinakira kuudya."
}
|
30,633 |
SNG_2_4
|
{
"en": "He brought me to the banqueting-house, And his banner over me was love.",
"sna": "Akaenda neni kuimba yamabiko, uye mureza wake pamusoro pangu ndirwo rudo."
}
|
30,634 |
SNG_2_5
|
{
"en": "Stay ye me with raisins, refresh me with apples; For I am sick from love.",
"sna": "Ndisimbise namazambiringa akaomeswa, ndisimbise namaapuro; nokuti ndoziya norudo."
}
|
30,635 |
SNG_2_6
|
{
"en": "His left hand is under my head, And his right hand doth embrace me.",
"sna": "Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu, uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira."
}
|
30,636 |
SNG_2_7
|
{
"en": "I adjure you, O daughters of Jerusalem, By the roes, or by the hinds of the field, That ye stir not up, nor awake my love, Until he please.",
"sna": "Imi vanasikana veJerusarema ndinokupikirai nemhara uye nenondo dzesango: Musazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga."
}
|
30,637 |
SNG_2_8
|
{
"en": "The voice of my beloved! behold, he cometh, Leaping upon the mountains, Skipping upon the hills.",
"sna": "Inzwai! Inzwi romudiwa wangu! Tarirai! Hoyo ouya achiuruka nomumakomo, achikwakuka nomuzvikomo."
}
|
30,638 |
SNG_2_9
|
{
"en": "My beloved is like a roe or a young hart: Behold, he standeth behind our wall; He looketh in at the windows; He glanceth through the lattice.",
"sna": "Mudiwa wangu akafanana nemhara kana netsvana yenondo. Tarirai! Hoyo amira seri kworusvingo rwedu, akatarira napamawindo achidongorera napamaburi apamawindo."
}
|
30,639 |
SNG_3_1
|
{
"en": "By night on my bed I sought him whom my soul loveth: I sought him, but I found him not.",
"sna": "Usiku hwose ndiri pamubhedha wangu ndakatsvaka uyo anodiwa nomwoyo wangu; ndakamutsvaka asi handina kumuwana."
}
|
30,640 |
SNG_3_10
|
{
"en": "He made the pillars thereof of silver, The bottom thereof of gold, the seat of it of purple, The midst thereof being paved with love, From the daughters of Jerusalem.",
"sna": "Mbiru dzacho akadzigadzira nesirivha, pokuzembera musana pakagadzirwa negoridhe. Pokugara pakashongedzwa nejira repepuru, mukati mayo makashongedzwa norudo navanasikana veJerusarema."
}
|
30,641 |
SNG_3_11
|
{
"en": "Go forth, O ye daughters of Zion, and behold king Solomon, With the crown wherewith his mother hath crowned him In the day of his espousals, And in the day of the gladness of his heart.",
"sna": "Budai imi vanasikana veZioni, muzoona Mambo Soromoni akapfeka korona, korona yaakapfekedzwa namai vake musi wesvitsa, zuva iro mwoyo wake wakafara."
}
|
30,642 |
SNG_3_2
|
{
"en": "I said , I will rise now, and go about the city; In the streets and in the broad ways I will seek him whom my soul loveth: I sought him, but I found him not.",
"sna": "Ndichasimuka zvino ndinofamba-famba muguta, mumigwagwa yaro nomuzvivara zvaro; ndichatsvaka iye anodiwa nomwoyo wangu. Saka ndakamutsvaka asi handina kumuwana."
}
|
30,643 |
SNG_3_3
|
{
"en": "The watchmen that go about the city found me; To whom I said , Saw ye him whom my soul loveth?",
"sna": "Varindi vakandiona pavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta. “Ko, mamboona here iye anodiwa nomwoyo wangu?”"
}
|
30,644 |
SNG_3_4
|
{
"en": "It was but a little that I passed from them, When I found him whom my soul loveth: I held him, and would not let him go, Until I had brought him into my mother’s house, And into the chamber of her that conceived me.",
"sna": "Ndichingopfuudzana navo ndakabva ndamuwana, iye anodiwa nomwoyo wangu. Ndakamubata ndikasamuregedza kusvikira ndaenda naye kumba kwamai vangu, kuimba yaavo vakandibereka."
}
|
30,645 |
SNG_3_5
|
{
"en": "I adjure you, O daughters of Jerusalem, By the roes, or by the hinds of the field, That ye stir not up, nor awake my love, Until he please.",
"sna": "Vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai nemhara kana nenondo dzesango kuti: Musazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga."
}
|
30,646 |
SNG_3_6
|
{
"en": "Who is this that cometh up from the wilderness Like pillars of smoke, Perfumed with myrrh and frankincense, With all powders of the merchant?",
"sna": "Ndianiko uyo ari kuuya achibva nokurenje seshongwe youtsi ine munhuwi wemura, nezvimwe zvinonhuhwira zvakagadzirwa nezvikuyiwa zvinonhuhwira zvavashambadzi?"
}
|
30,647 |
SNG_3_7
|
{
"en": "Behold, it is the litter of Solomon; Threescore mighty men are about it, Of the mighty men of Israel.",
"sna": "Tarirai! Ndiyo ngoro yaSoromoni, yakachengetedzwa nemhare makumi matanhatu dzamachinda, apamusoro-soro omuIsraeri."
}
|
30,648 |
SNG_3_8
|
{
"en": "They all handle the sword, and are expert in war: Every man hath his sword upon his thigh, Because of fear in the night.",
"sna": "Mumwe nomumwe wavo akabata munondo vose vakarwa hondo, mumwe nomumwe ane munondo parutivi rwake, vakagadzirira kutarisana nezvinotyisa usiku."
}
|
30,649 |
SNG_3_9
|
{
"en": "King Solomon made himself a palanquin Of the wood of Lebanon.",
"sna": "Mambo Soromoni akazvigadzirira ngoro; akaigadzira nemiti yokuRebhanoni."
}
|
30,650 |
SNG_4_1
|
{
"en": "Behold, thou art fair, my love; behold, thou art fair; Thine eyes are as doves behind thy veil. Thy hair is as a flock of goats, That lie along the side of mount Gilead.",
"sna": "Wakanaka sei, mudiwa wangu! A, wakazonaka! Meso ako uri mumumbure injiva chaidzo. Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi riri kuburuka kubva muGomo reGireadhi."
}
|
30,651 |
SNG_4_10
|
{
"en": "How fair is thy love, my sister, my bride! How much better is thy love than wine! And the fragrance of thine oils than all manner of spices!",
"sna": "Rudo rwako kwandiri runondifadza sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu! Rudo rwako runofadza sei kukunda waini, uye kunhuhwira kwamafuta ako okuzora kunokunda zvose zvinonhuhwira."
}
|
30,652 |
SNG_4_11
|
{
"en": "Thy lips, O my bride, drop as the honeycomb: Honey and milk are under thy tongue; And the smell of thy garments is like the smell of Lebanon.",
"sna": "Miromo yako inodonhesa zvinotapira sezinga rouchi, mwenga wangu; uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako. Kunhuhwira kwenguo dzako kwakafanana nokweRebhanoni."
}
|
30,653 |
SNG_4_12
|
{
"en": "A garden shut up is my sister, my bride; A spring shut up, a fountain sealed.",
"sna": "Uri bindu rakapfigwa, hanzvadzi yangu, mwenga wangu. Uri tsime rakakomberedzwa, nechitubu chakavakirirwa."
}
|
30,654 |
SNG_4_13
|
{
"en": "Thy shoots are an orchard of pomegranates, with precious fruits; Henna with spikenard plants,",
"sna": "Miti yako ibindu ramatamba nemimwe michero yakaisvonaka, hena nenaridhi,"
}
|
30,655 |
SNG_4_14
|
{
"en": "Spikenard and saffron, Calamus and cinnamon, with all trees of frankincense; Myrrh and aloes, with all the chief spices.",
"sna": "naridhi nesafuroni, karamusi, nesinamoni, nemiti yose inogadziriswa zvinonhuhwira nemura negavakava, uye nezvose zvinonhuhwira zvakanakisisa."
}
|
30,656 |
SNG_4_15
|
{
"en": "Thou art a fountain of gardens, A well of living waters, And flowing streams from Lebanon.",
"sna": "Uri chitubu chomubindu, tsime remvura inoerera, inoerera ichibva kuRebhanoni."
}
|
30,657 |
SNG_4_16
|
{
"en": "Awake, O north wind; and come, thou south; Blow upon my garden, that the spices thereof may flow out. Let my beloved come into his garden, And eat his precious fruits.",
"sna": "Muka, iwe mhepo yokumusoro, uye uya iwe mhepo yezasi! Vhuvhuta napabindu rangu kuti kunhuhwirira kwezvirimo kuparadzirwe kwose kwose. Rega mudiwa wangu apinde mubindu rake, agoravira michero yaro yakaisvonaka, sepaanodira."
}
|
30,658 |
SNG_4_2
|
{
"en": "Thy teeth are like a flock of ewes that are newly shorn, Which are come up from the washing, Whereof every one hath twins, And none is bereaved among them.",
"sna": "Meno ako akafanana neboka ramakwai achangobva mukuveurwa, ari kubva kundoshambidzwa. Rimwe nerimwe riine rarakafanana naro, pasina rimwe riri roga zvaro."
}
|
30,659 |
SNG_4_3
|
{
"en": "Thy lips are like a thread of scarlet, And thy mouth is comely. Thy temples are like a piece of a pomegranate Behind thy veil.",
"sna": "Miromo yako yakafanana nomucheka mutsvuku; muromo wako wakaisvonaka. Zvavovo zvako zviri mumumbure wako zvakaita sezvikamu zviviri zvedamba."
}
|
30,660 |
SNG_4_4
|
{
"en": "Thy neck is like the tower of David Builded for an armory, Whereon there hang a thousand bucklers, All the shields of the mighty men.",
"sna": "Mutsipa wako wakafanana neshongwe yaDhavhidhi yakavakwa zvinoyevedza. Mairi makaturikwa nhoo dzine chiuru, dzose dziri nhoo dzemhare."
}
|
30,661 |
SNG_4_5
|
{
"en": "Thy two breasts are like two fawns That are twins of a roe, Which feed among the lilies.",
"sna": "Mazamu ako ari maviri akafanana netsvana mbiri dzemhara, mapatya emhara dzinofura pamwe chete pakati pemaruva."
}
|
30,662 |
SNG_4_6
|
{
"en": "Until the day be cool, and the shadows flee away, I will get me to the mountain of myrrh, And to the hill of frankincense.",
"sna": "Kusvikira zuva rabuda uye mimvuri yotiza, ndichaenda kugomo remura nokuchikomo chezvinonhuhwira."
}
|
30,663 |
SNG_4_7
|
{
"en": "Thou art all fair, my love; And there is no spot in thee.",
"sna": "Wakaisvonaka iwe, mudiwa wangu; mauri hamuna kana chinongo."
}
|
30,664 |
SNG_4_8
|
{
"en": "Come with me from Lebanon, my bride, With me from Lebanon: Look from the top of Amana, From the top of Senir and Hermon, From the lions’ dens, From the mountains of the leopards.",
"sna": "Ngatibvei tose kuRebhanoni, iwe mwenga wangu, ngatibvei tose kuRebhanoni. Buruka kubva pamusoro-soro peAmana, kubva pamusoro peSeniri, pamusoro-soro peHerimoni, kubva kumapako eshumba nokumakomo anofamba-famba mbada."
}
|
30,665 |
SNG_4_9
|
{
"en": "Thou hast ravished my heart, my sister, my bride; Thou hast ravished my heart with one of thine eyes, With one chain of thy neck.",
"sna": "Watora mwoyo wangu hanzvadzi yangu, mwenga wangu; wanditora mwoyo nokungondiringa kwawaita kamwe chete, uye nedombo rimwe rinokosha rechishongo chomutsipa wako."
}
|
30,666 |
SNG_5_1
|
{
"en": "I am come into my garden, my sister, my bride: I have gathered my myrrh with my spice; I have eaten my honeycomb with my honey; I have drunk my wine with my milk. Eat, O friends; Drink, yea, drink abundantly, O beloved.",
"sna": "Ndauya zvangu mubindu rangu, hanzvadzi yangu, iwe mwenga wangu; ndaunganidza mura yangu pamwe chete nezvinonhuhwira zvangu. Ndadya zinga rangu rouchi nouchi hwangu; ndanwa waini yangu nomukaka wangu. Idyai, imi shamwari, uye munwe; inwai mugute, imi vanodanana."
}
|
30,667 |
SNG_5_10
|
{
"en": "My beloved is white and ruddy, The chiefest among ten thousand.",
"sna": "Mudiwa wangu akanaka uye mutsvuku, anokunda vanokwana zviuru gumi."
}
|
30,668 |
SNG_5_11
|
{
"en": "His head is as the most fine gold; His locks are bushy, and black as a raven.",
"sna": "Musoro wake igoridhe chairo; bvudzi rake rinoyevedza uye rakasviba segunguo."
}
|
30,669 |
SNG_5_12
|
{
"en": "His eyes are like doves beside the water-brooks, Washed with milk, and fitly set.",
"sna": "Meso ake akafanana nenjiva dziri pahova dzemvura, dzakashambidzwa mumukaka, akarongwa sezvishongo."
}
|
30,670 |
SNG_5_13
|
{
"en": "His cheeks are as a bed of spices, As banks of sweet herbs: His lips are as lilies, dropping liquid myrrh.",
"sna": "Matama ake akaita semihomba yezvinonhuhwira inobereka zvinonhuhwira. Miromo yake yakaita samaruva amahapa anodonha mura."
}
|
30,671 |
SNG_5_14
|
{
"en": "His hands are as rings of gold set with beryl: His body is as ivory work overlaid with sapphires.",
"sna": "Maoko ake itsvimbo dzegoridhe dzakaiswa mabwe anokosha ekrisorite. Muviri wake wakaita senyanga dzenzou dzinobwinya dzakashongedzwa nesafire."
}
|
30,672 |
SNG_5_15
|
{
"en": "His legs are as pillars of marble, set upon sockets of fine gold: His aspect is like Lebanon, excellent as the cedars.",
"sna": "Makumbo ake imbiru dzamabwe machena akamiswa pazvigadziko zvegoridhe rakanatswa. Chimiro chake chakaita seRebhanoni, chakanakisisa semisidhari yayo."
}
|
30,673 |
SNG_5_16
|
{
"en": "His mouth is most sweet; Yea, he is altogether lovely. This is my beloved, and this is my friend, O daughters of Jerusalem.",
"sna": "Muromo wake inhapitapi pachayo; zvirokwazvo akaisvonaka. Uyu ndiye mudiwa wangu, ndiye shamwari yangu, imi vanasikana veJerusarema."
}
|
30,674 |
SNG_5_2
|
{
"en": "I was asleep, but my heart waked: It is the voice of my beloved that knocketh, saying , Open to me, my sister, my love, my dove, my undefiled; For my head is filled with dew, My locks with the drops of the night.",
"sna": "Ndakavata asi mwoyo wangu wakanga wakasvinura. Inzwai! Mudiwa wangu ari kugogodza, achiti, “Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu, njiva yangu, wangu asina chinongo. Musoro wangu wanyorova nedova, bvudzi rangu ranyoroveswa nounyoro hweusiku.”"
}
|
30,675 |
SNG_5_3
|
{
"en": "I have put off my garment; how shall I put it on? I have washed my feet; how shall I defile them?",
"sna": "Ndabvisa nguo yangu, ndoipfekazve here? Ndashambidza tsoka dzangu, ndodzisvibisazve here?"
}
|
30,676 |
SNG_5_4
|
{
"en": "My beloved put in his hand by the hole of the door , And my heart was moved for him.",
"sna": "Mudiwa wangu akapinza ruoko rwake nepahwangwadza yomukova; mwoyo wangu wakatanga kumudokwairira."
}
|
30,677 |
SNG_5_5
|
{
"en": "I rose up to open to my beloved; And my hands dropped with myrrh, And my fingers with liquid myrrh, Upon the handles of the bolt.",
"sna": "Ndakasimuka kuti ndizarurire mudiwa wangu, maoko angu akadonha mura, mimwe yangu ichiyerera mura, pazvibato zvechizarira."
}
|
30,678 |
SNG_5_6
|
{
"en": "I opened to my beloved; But my beloved had withdrawn himself, and was gone. My soul had failed me when he spake: I sought him, but I could not find him; I called him, but he gave me no answer.",
"sna": "Ndakazarurira mudiwa wangu, asi mudiwa wangu akanga abva; akanga atoenda. Mwoyo wangu wakarwadziwa nokuenda kwake. Ndakamutsvaka asi handina kumuwana. Ndakamudana asi haana kupindura."
}
|
30,679 |
SNG_5_7
|
{
"en": "The watchmen that go about the city found me, They smote me, they wounded me; The keepers of the walls took away my mantle from me.",
"sna": "Varindi vakandiona pavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta. Vakandirova, vakandikuvadza; vakanditorera jasi rangu, ivavo varindi vamasvingo!"
}
|
30,680 |
SNG_5_8
|
{
"en": "I adjure you, O daughters of Jerusalem, If ye find my beloved, That ye tell him, that I am sick from love.",
"sna": "Imi vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai, kana mukaona mudiwa wangu, muchamuudzeiko? Mumuudze kuti ndinorwara nerudo."
}
|
30,681 |
SNG_5_9
|
{
"en": "What is thy beloved more than another beloved, O thou fairest among women? What is thy beloved more than another beloved, That thou dost so adjure us?",
"sna": "Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii, iwe zvako wakanaka kukunda vamwe vakadzi? Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii, zvaunotirayira kudaro?"
}
|
30,682 |
SNG_6_1
|
{
"en": "Whither is thy beloved gone, O thou fairest among women? Whither hath thy beloved turned him, That we may seek him with thee?",
"sna": "Ko, mudiwa wako aendepiko, iwe zvako wakanaka kukunda vamwe vakadzi? Mudiwa wako aenda nokupiko, kuti tigomutsvaka pamwe chete newe?"
}
|
30,683 |
SNG_6_10
|
{
"en": "Who is she that looketh forth as the morning, Fair as the moon, Clear as the sun, Terrible as an army with banners?",
"sna": "Ko, ndiani uyo anoratidzika samambakwedza, akanaka somwedzi, anopenya sezuva, akanaka senyeredzi dziri mumudungwe?"
}
|
30,684 |
SNG_6_11
|
{
"en": "I went down into the garden of nuts, To see the green plants of the valley, To see whether the vine budded, And the pomegranates were in flower.",
"sna": "Ndakadzika kusango remiti yemipfura kundoona zvitsva zvakamera mumupata, kundoona kana mizambiringa yainge yabukira, kana kuti mitamba yainge yava namaruva."
}
|
30,685 |
SNG_6_12
|
{
"en": "Before I was aware, my soul set me Among the chariots of my princely people.",
"sna": "Ndisati ndambodii, mwoyo wangu wakandiisa pakati pengoro dzoumambo dzavanhu vangu."
}
|
30,686 |
SNG_6_13
|
{
"en": "Return, return, O Shulammite; Return, return, that we may look upon thee. Why will ye look upon the Shulammite, As upon the dance of Mahanaim?",
"sna": "Dzoka, dzoka iwe muShurami; dzoka, dzoka kuti timbokuona! Ko, munodirei kuona muShurami sezvamunoita mutambo weMahanaimi?"
}
|
30,687 |
SNG_6_2
|
{
"en": "My beloved is gone down to his garden, To the beds of spices, To feed in the gardens, and to gather lilies.",
"sna": "Mudiwa wangu adzika kubindu rake, kumihomba yezvinonhuwirira, kuti andomema mumapindu uye agotanha maruva."
}
|
30,688 |
SNG_6_3
|
{
"en": "I am my beloved’s, and my beloved is mine: He feedeth his flock among the lilies.",
"sna": "Ini ndiri womudiwa wangu uye mudiwa wangu ndowangu; anomema pakati pamaruva."
}
|
30,689 |
SNG_6_4
|
{
"en": "Thou art fair, O my love, as Tirzah, Comely as Jerusalem, Terrible as an army with banners.",
"sna": "Wakanaka iwe mudiwa wangu, seTiriza, unoyevedza seJerusarema, unoremekedzeka samauto ane mireza."
}
|
30,690 |
SNG_6_5
|
{
"en": "Turn away thine eyes from me, For they have overcome me. Thy hair is as a flock of goats, That lie along the side of Gilead.",
"sna": "Bvisa meso ako pandiri; anondikunda. Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi riri kuburuka muGireadhi."
}
|
30,691 |
SNG_6_6
|
{
"en": "Thy teeth are like a flock of ewes, Which are come up from the washing; Whereof every one hath twins, And none is bereaved among them.",
"sna": "Meno ako akafanana neboka ramakwai achangobva mukushambidzwa. Rimwe nerimwe rine rarakafanana naro, pasina riri roga zvaro."
}
|
30,692 |
SNG_6_7
|
{
"en": "Thy temples are like a piece of a pomegranate Behind thy veil.",
"sna": "Zvavovo zvako zviri mumumbure wako zvakaita sezvikamu zviviri zvedamba."
}
|
30,693 |
SNG_6_8
|
{
"en": "There are threescore queens, and fourscore concubines, And virgins without number.",
"sna": "Kungava navanamambokadzi makumi matanhatu, navarongo makumi masere nemhandara dzisingaverengeki;"
}
|
30,694 |
SNG_6_9
|
{
"en": "My dove, my undefiled, is but one; She is the only one of her mother; She is the choice one of her that bare her. The daughters saw her, and called her blessed; Yea , the queens and the concubines, and they praised her.",
"sna": "Asi njiva yangu, iye akakwana wangu, ndiwe mumwe oga, mwanasikana mumwe oga wamai vake, iye woga anodikanwa naiye akamubereka. Mhandara dzakamuona dzikamuti akaropafadzwa. Vanamambokadzi navarongo vakamurumbidza."
}
|
30,695 |
SNG_7_1
|
{
"en": "How beautiful are thy feet in sandals, O prince’s daughter! Thy rounded thighs are like jewels, The work of the hands of a skilful workman.",
"sna": "Dzakanaka sei tsoka dzako dzakapfekedzwa shangu, iwe mwanasikana womuchinda! Makumbo ako akanakisisa akaita sezvishongo, basa ramaoko emhizha."
}
|
30,696 |
SNG_7_10
|
{
"en": "I am my beloved’s; And his desire is toward me.",
"sna": "Ini ndiri womudiwa wangu, uye iye anondishuva."
}
|
30,697 |
SNG_7_11
|
{
"en": "Come, my beloved, let us go forth into the field; Let us lodge in the villages.",
"sna": "Uya, mudiwa wangu, ngatiendei kumunda, tigozopedza usiku hwose kumaruwa."
}
|
30,698 |
SNG_7_12
|
{
"en": "Let us get up early to the vineyards; Let us see whether the vine hath budded, And its blossom is open, And the pomegranates are in flower: There will I give thee my love.",
"sna": "Ngatimukirei kuminda yemizambiringa tindoona kana mizambiringa yakabukira, uye kana maruva awo azaruka, uye kana mitamba yatumbuka yava namaruva, ikoko ndiko kwandichakupa rudo rwangu."
}
|
30,699 |
SNG_7_13
|
{
"en": "The mandrakes give forth fragrance; And at our doors are all manner of precious fruits, new and old, Which I have laid up for thee, O my beloved.",
"sna": "Miti yemidiwadiwa inopa kunhuhwira kwayo, uye pamusuo pedu pane zvinonaka zvose, zvose zvitsva nezvitsaru, zvandakachengetera iwe, mudiwa wangu."
}
|
30,700 |
SNG_7_2
|
{
"en": "Thy body is like a round goblet, Wherein no mingled wine is wanting: Thy waist is like a heap of wheat Set about with lilies.",
"sna": "Guvhu rako rakatenderera somukombe unogara uine waini yakasanganiswa zvakanaka. Chiuno chako murwi wegorosi wakakomberedzwa namaruva."
}
|
Subsets and Splits
No community queries yet
The top public SQL queries from the community will appear here once available.