id
int64
1
31k
verse_id
stringlengths
7
11
translation
dict
501
1CH_26_6
{ "en": "Also unto Shemaiah his son were sons born, that ruled over the house of their father; for they were mighty men of valor.", "sna": "Mwanakomana wake Shemaya aivawo navanakomana vaiva: vatungamiri mumhuri yababa vavo nokuti vaiva varume vaikwanisa kwazvo." }
502
1CH_26_7
{ "en": "The sons of Shemaiah: Othni, and Rephael, and Obed, Elzabad, whose brethren were valiant men, Elihu, and Semachiah.", "sna": "Vanakomana vaShemaya vaiti: Otini, Refaeri, Obhedhi naErizabhadhi; hama dzake Erihu naSemakia vaivawo varume vaikwanisa." }
503
1CH_26_8
{ "en": "All these were of the sons of Obed-edom: they and their sons and their brethren, able men in strength for the service; threescore and two of Obed-edom.", "sna": "Vose ava vaiva zvizvarwa zvaObhedhi-Edhomu. Ivo navanakomana vavo nehama dzavo vaiva varume vaikwanisa vaine simba rokuita basa, zvizvarwa zvaObhedhi-Edhomu, vaisvika makumi matanhatu navaviri pamwe chete." }
504
1CH_26_9
{ "en": "And Meshelemiah had sons and brethren, valiant men, eighteen.", "sna": "Mesheremia aiva navanakomana nehama vakanga vari varume voumhare vaisvika gumi navasere pamwe chete." }
505
1CH_27_1
{ "en": "Now the children of Israel after their number, to wit , the heads of fathers’ houses and the captains of thousands and of hundreds, and their officers that served the king, in any matter of the courses which came in and went out month by month throughout all the months of the year—of every course were twenty and four thousand.", "sna": "Aya ndiwo mazita avaIsraeri, vakuru vemhuri, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, namachinda avo, vaishandira mambo mune zvose pamusoro pamapoka avarwi ainge ari pabasa mwedzi nomwedzi mugore rose. Boka rimwe nerimwe raiva navarume zviuru makumi maviri nezvina." }
506
1CH_27_10
{ "en": "The seventh captain for the seventh month was Helez the Pelonite, of the children of Ephraim: and in his course were twenty and four thousand.", "sna": "Wechinomwe pamwedzi wechinomwe, aiva Herezi muPeroni, muEfuremu. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina." }
507
1CH_27_11
{ "en": "The eighth captain for the eighth month was Sibbecai the Hushathite, of the Zerahites: and in his course were twenty and four thousand.", "sna": "Worusere, pamwedzi worusere, aiva Sibhekai muHushati muZerahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina." }
508
1CH_27_12
{ "en": "The ninth captain for the ninth month was Abiezer the Anathothite, of the Benjamites: and in his course were twenty and four thousand.", "sna": "Wechipfumbamwe, mumwedzi wechipfumbamwe, aiva Abhiezeri muAnatoti, muBhenjamini. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina." }
509
1CH_27_13
{ "en": "The tenth captain for the tenth month was Maharai the Netophathite, of the Zerahites: and in his course were twenty and four thousand.", "sna": "Wegumi, mumwedzi wegumi, aiva Maharai muNetofati, muZerahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina." }
510
1CH_27_14
{ "en": "The eleventh captain for the eleventh month was Benaiah the Pirathonite, of the children of Ephraim: and in his course were twenty and four thousand.", "sna": "Wegumi nomumwe, mumwedzi wegumi nomumwe, aiva Bhenaya muPiratoni, muEfuremu. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina." }
511
1CH_27_15
{ "en": "The twelfth captain for the twelfth month was Heldai the Netophathite, of Othniel: and in his course were twenty and four thousand.", "sna": "Wegumi navaviri, mumwedzi wegumi nemiviri, aiva Heridhai muNetofati, aibva mumhuri yaOtinieri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina." }
512
1CH_27_16
{ "en": "Furthermore over the tribes of Israel: of the Reubenites was Eliezer the son of Zichri the ruler: of the Simeonites, Shephatiah the son of Maacah:", "sna": "Machinda pamusoro pamarudzi aIsraeri aiti: pamusoro pavaRubheni: Eriezeri mwanakomana waZikiri; pamusoro pavaSimeoni: Shefatia mwanakomana waMaaka;" }
513
1CH_27_17
{ "en": "of Levi, Hashabiah the son of Kemuel: of Aaron, Zadok:", "sna": "pamusoro paRevhi: Hashabhia mwanakomana waKemueri; pamusoro paAroni: Zadhoki;" }
514
1CH_27_18
{ "en": "of Judah, Elihu, one of the brethren of David: of Issachar, Omri the son of Michael:", "sna": "pamusoro paJudha: Erihu, mununʼuna waDhavhidhi; pamusoro paIsakari: Omiri mwanakomana waMikaeri;" }
515
1CH_27_19
{ "en": "of Zebulun, Ishmaiah the son of Obadiah: of Naphtali, Jeremoth the son of Azriel:", "sna": "pamusoro paZebhuruni: Ishimaya mwanakomana waObhadhia; pamusoro paNafutari: Jerimoti mwanakomana waAzirieri;" }
516
1CH_27_2
{ "en": "Over the first course for the first month was Jashobeam the son of Zabdiel: and in his course were twenty and four thousand.", "sna": "Aitungamirira boka rokutanga mwedzi wokutanga, aiva Jashobheami mwanakomana waZabhidhieri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina." }
517
1CH_27_20
{ "en": "of the children of Ephraim, Hoshea the son of Azaziah: of the half-tribe of Manasseh, Joel the son of Pedaiah:", "sna": "pamusoro pavaEfuremu: Hoshea mwanakomana waAzazia; pamusoro pehafu yorudzi rwaManase: Joere mwanakomana waPedhaya;" }
518
1CH_27_21
{ "en": "of the half- tribe of Manasseh in Gilead, Iddo the son of Zechariah: of Benjamin, Jaasiel the son of Abner:", "sna": "pamusoro pehafu yorudzi rwaManase muGireadhi: Idho mwanakomana waZekaria; pamusoro paBhenjamini: Jaasieri mwanakomana waAbhineri;" }
519
1CH_27_22
{ "en": "of Dan, Azarel the son of Jeroham. These were the captains of the tribes of Israel.", "sna": "pamusoro paDhani: Azareri mwanakomana waJerohamu. Ava ndivo vaiva machinda pamusoro pamarudzi avaIsraeri." }
520
1CH_27_23
{ "en": "But David took not the number of them from twenty years old and under, because Jehovah had said he would increase Israel like to the stars of heaven.", "sna": "Dhavhidhi haana kuverenga varume vaiva namakore makumi maviri zvichidzika, nokuti Jehovha akanga avimbisa kuti vaIsraeri vaizowanda senyeredzi dziri mudenga." }
521
1CH_27_24
{ "en": "Joab the son of Zeruiah began to number, but finished not; and there came wrath for this upon Israel; neither was the number put into the account in the chronicles of king David.", "sna": "Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kuverenga varume ava asi haana kuzopedza. Kutsamwa kwakauya pamusoro peIsraeri nokuda kwokuverengwa uku, saka uwandu uhu hahuna kuiswa mubhuku renhoroondo dzegore negore raMambo Dhavhidhi." }
522
1CH_27_25
{ "en": "And over the king’s treasures was Azmaveth the son of Adiel: and over the treasures in the fields, in the cities, and in the villages, and in the castles, was Jonathan the son of Uzziah:", "sna": "Azimavheti mwanakomana waAdhieri aiva muchengeti wamatura amambo. Jonatani mwanakomana waUzia aiva muchengeti wamatura kumaruwa okure, mumaguta, mumisha neshongwe dzavarindi." }
523
1CH_27_26
{ "en": "and over them that did the work of the field for tillage of the ground was Ezri the son of Chelub:", "sna": "Eziri mwanakomana waKerubhi aiva mutariri pamusoro wavashandi vairima minda." }
524
1CH_27_27
{ "en": "and over the vineyards was Shimei the Ramathite: and over the increase of the vineyards for the wine-cellars was Zabdi the Shiphmite:", "sna": "Shimei muRamati aiva mutariri weminda yemizambiringa. Zabhidhi muShifimi aiva mutariri wezvibereko zveminda yemizambiringa zvokuzoisa muzvirongo zvewaini." }
525
1CH_27_28
{ "en": "and over the olive-trees and the sycomore-trees that were in the lowland was Baal-hanan the Gederite: and over the cellars of oil was Joash:", "sna": "Bhaari-Hanani muGedheri aiva mutariri wemiorivhi nemionde yakanga iri mujinga mezvikomo zvokumadokero. Joashi aiva mutariri wamafuta omuorivhi." }
526
1CH_27_29
{ "en": "and over the herds that fed in Sharon was Shitrai the Sharonite: and over the herds that were in the valleys was Shaphat the son of Adlai:", "sna": "Shitirai muSharoni, aiva mutariri wemombe dzaifura muSharoni. Shafati mwanakomana waAdhirai ndiye aiva mutariri wemombe dzaiva mumipata." }
527
1CH_27_3
{ "en": "He was of the children of Perez, the chief of all the captains of the host for the first month.", "sna": "Aiva chizvarwa chaPerezi uyewo ari mukuru wavakuru vavavarwi vose mumwedzi wokutanga." }
528
1CH_27_30
{ "en": "and over the camels was Obil the Ishmaelite: and over the asses was Jehdeiah the Meronothite: and over the flocks was Jaziz the Hagrite.", "sna": "Obhiri muIshumaeri aiva mutariri wengamera. Jedheya muMeronoti aiva mutariri wembongoro." }
529
1CH_27_31
{ "en": "All these were the rulers of the substance which was king David’s.", "sna": "Jazizi muHagiri aiva mutariri wamakwai. Ava ndivo vaiva vabati vaichengeta pfuma yaMambo Dhavhidhi." }
530
1CH_27_32
{ "en": "Also Jonathan, David’s uncle, was a counsellor, a man of understanding, and a scribe: and Jehiel the son of Hachmoni was with the king’s sons:", "sna": "Jonatani, babamunini vaDhavhidhi vaiva mupi wamazano, murume woruzivo nomunyori. Jehieri mwanakomana waHakimoni aiva muchengeti wavanakomana vamambo." }
531
1CH_27_33
{ "en": "and Ahithophel was the king’s counsellor: and Hushai the Archite was the king’s friend:", "sna": "Ahitoferi aiva mupi wamazano kuna mambo. Hushai muAriki aiva shamwari yamambo." }
532
1CH_27_34
{ "en": "and after Ahithophel was Jehoiada the son of Benaiah, and Abiathar: and the captain of the king’s host was Joab.", "sna": "(Ahitoferi akazoteverwa pachinzvimbo naJehoyadha mwanakomana waBhenaya uye naAbhiatari.) Joabhu ndiye aiva mutungamiri wehondo yamambo." }
533
1CH_27_4
{ "en": "And over the course of the second month was Dodai the Ahohite, and his course; and Mikloth the ruler: and in his course were twenty and four thousand.", "sna": "Aitungamirira boka remwedzi wechipiri ainzi Dhodhai muAhohi; Mikiroti ndiye aiva mutungamiri weboka rake. Muboka rake maiva nezviuru makumi maviri nezvina." }
534
1CH_27_5
{ "en": "The third captain of the host for the third month was Benaiah, the son of Jehoiada the priest, chief: and in his course were twenty and four thousand.", "sna": "Mukuru wavarwi wechitatu mumwedzi wechitatu ainzi Bhenaya mwanakomana waJehoyadha muprista. Ndiye aiva mukuru uye muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina." }
535
1CH_27_6
{ "en": "This is that Benaiah, who was the mighty man of the thirty, and over the thirty: and of his course was Ammizabad his son.", "sna": "Uyu ndiye Bhenaya uya aiva mumwe woumhare pakati paMakumi Matatu uye aiva pamusoro paMakumi Matatu vacho. Mwanakomana wake Amizabhadhi ndiye aitungamirira boka rake." }
536
1CH_27_7
{ "en": "The fourth captain for the fourth month was Asahel the brother of Joab, and Zebadiah his son after him: and in his course were twenty and four thousand.", "sna": "Wechina pamwedzi wechina, aiva Asaheri mununʼuna waJoabhu; mwanakomana wake Zebhadhia ndiye akamutevera pakutungamirira boka iri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina." }
537
1CH_27_8
{ "en": "The fifth captain for the fifth month was Shamhuth the Izrahite: and in his course were twenty and four thousand.", "sna": "Wechishanu pamwedzi wechishanu, aiva mutungamiri Shamihuti muIzirahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina." }
538
1CH_27_9
{ "en": "The sixth captain for the sixth month was Ira the son of Ikkesh the Tekoite: and in his course were twenty and four thousand.", "sna": "Wechitanhatu pamwedzi wechitanhatu, aiva Ira mwanakomana waIkeshi muTeko. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina." }
539
1CH_28_1
{ "en": "And David assembled all the princes of Israel, the princes of the tribes, and the captains of the companies that served the king by course, and the captains of thousands, and the captains of hundreds, and the rulers over all the substance and possessions of the king and of his sons, with the officers, and the mighty men, even all the mighty men of valor, unto Jerusalem.", "sna": "Dhavhidhi akarayira vabati veIsraeri vose kuti vaungane paJerusarema: vabati pamusoro pamarudzi, vatungamiri vamapoka aishandira mambo, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, navabati vaichengeta zvinhu nezvipfuwo zvamambo uye navanakomana vake, pamwe chete navabati vomumuzinda wamambo, varume vane simba nemhare dzose dzakashinga." }
540
1CH_28_10
{ "en": "Take heed now; for Jehovah hath chosen thee to build a house for the sanctuary: be strong, and do it.", "sna": "Funga zvino, nokuti Jehovha akusarudza kuti uvake temberi senzvimbo tsvene. Iva nesimba uye uite basa iri.”" }
541
1CH_28_11
{ "en": "Then David gave to Solomon his son the pattern of the porch of the temple , and of the houses thereof, and of the treasuries thereof, and of the upper rooms thereof, and of the inner chambers thereof, and of the place of the mercy-seat;", "sna": "Ipapo Dhavhidhi akapa mwanakomana wake Soromoni urongwa hwebiravira retemberi, dzimba dzayo, matura ayo, makamuri ayo okumusoro, makamuri ayo omukati uye nenzvimbo yokuyananisira." }
542
1CH_28_12
{ "en": "and the pattern of all that he had by the Spirit, for the courts of the house of Jehovah, and for all the chambers round about, for the treasuries of the house of God, and for the treasuries of the dedicated things;", "sna": "Akamupa urongwa hwazvose zvakanga zvaiswa noMweya mupfungwa make pamusoro pezvivanze zvetemberi yaJehovha namakamuri ose akapoteredza, pamusoro pamatura epfuma yetemberi yaMwari napamusoro pamatura ezvinhu zvakakumikidzwa." }
543
1CH_28_13
{ "en": "also for the courses of the priests and the Levites, and for all the work of the service of the house of Jehovah, and for all the vessels of service in the house of Jehovah;", "sna": "Akamurayira zvokuita pamusoro pamapoka avaprista navaRevhi uye napamusoro pebasa rose rokushumira mutemberi yaJehovha, uyewo napamusoro pemidziyo yaizoshandiswa mubasa rayo." }
544
1CH_28_14
{ "en": "of gold by weight for the vessels of gold, for all vessels of every kind of service; of silver for all the vessels of silver by weight, for all vessels of every kind of service;", "sna": "Akarayira uremu hwegoridhe remidziyo yose yaizoshandiswa mumhando dzose dzokushumira, nouremu hwesirivha yemidziyo yose yaizoshandiswa mumhando dzose dzokushumira:" }
545
1CH_28_15
{ "en": "by weight also for the candlesticks of gold, and for the lamps thereof, of gold, by weight for every candlestick and for the lamps thereof; and for the candlesticks of silver, silver by weight for every candlestick and for the lamps thereof, according to the use of every candlestick;", "sna": "Uremu hwegoridhe rezvigadziko zvemwenje zvegoridhe nemwenje yazvo, nouremu hwechigadziko chomwenje chimwe nechimwe, nemwenje yacho, maererano nokushandiswa kwechigadziko chemwenje chimwe nechimwe." }
546
1CH_28_16
{ "en": "and the gold by weight for the tables of showbread, for every table; and silver for the tables of silver;", "sna": "Uremu hwegoridhe retafura imwe neimwe yechingwa chakatsaurwa; uremu hwesirivha yetafura dzesirivha;" }
547
1CH_28_17
{ "en": "and the flesh-hooks, and the basins, and the cups, of pure gold; and for the golden bowls by weight for every bowl; and for the silver bowls by weight for every bowl;", "sna": "uremu hwegoridhe rakanatswa reforogo, ndiro dzokusasa nemikombe; uremu hwegoridhe nedhishi rimwe nerimwe regoridhe; uremu hwesirivha yedhishi rimwe nerimwe resirivha;" }
548
1CH_28_18
{ "en": "and for the altar of incense refined gold by weight; and gold for the pattern of the chariot, even the cherubim, that spread out their wings , and covered the ark of the covenant of Jehovah.", "sna": "uye uremu hwegoridhe rakanatswa nearitari yezvinonhuhwira. Akamupawo mufananidzo wengoro iyo ina makerubhi egoridhe akatambanudza mapapiro awo achifukidza areka yesungano yaJehovha." }
549
1CH_28_19
{ "en": "All this, said David , have I been made to understand in writing from the hand of Jehovah, even all the works of this pattern.", "sna": "Dhavhidhi akati, “Zvose izvi ndakazviziviswa zvanyorwa noruoko rwaJehovha uye akaita ndinzwisise urongwa hwake hwose.”" }
550
1CH_28_2
{ "en": "Then David the king stood up upon his feet, and said, Hear me, my brethren, and my people: as for me, it was in my heart to build a house of rest for the ark of the covenant of Jehovah, and for the footstool of our God; and I had made ready for the building.", "sna": "Mambo Dhavhidhi akasimuka akamira akati, “Teererai kwandiri, hama dzangu navanhu vangu. Zvakanga zviri mumwoyo mangu kuti ndivake imba senzvimbo yokuzororera yeareka yesungano yaJehovha, kuti zvive chitsiko chetsoka dzaMwari wedu, uye ndakaita urongwa hwokuivaka." }
551
1CH_28_20
{ "en": "And David said to Solomon his son, Be strong and of good courage, and do it: fear not, nor be dismayed; for Jehovah God, even my God, is with thee; he will not fail thee, nor forsake thee, until all the work for the service of the house of Jehovah be finished.", "sna": "Dhavhidhi akatiwo kumwanakomana wake Soromoni, “Simba utsunge mwoyo, uye uite basa iri. Usatya kana kuora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari, Mwari wangu, anewe. Haachazokusiyi kana kukurasa, kusvikira basa rose rokushandira temberi yaJehovha rapera." }
552
1CH_28_21
{ "en": "And, behold, there are the courses of the priests and the Levites, for all the service of the house of God: and there shall be with thee in all manner of work every willing man that hath skill, for any manner of service: also the captains and all the people will be wholly at thy commandment.", "sna": "Mapoka avaprista navaRevhi akagadzirira kuita basa rose rapatemberi yaMwari, uye murume wose anoda uye ane umhizha hupi nehupi pamabasa amaoko achakubatsira pabasa iri rose. Vabati vose navanhu vose vachateerera kurayira kwako kwose.”" }
553
1CH_28_3
{ "en": "But God said unto me, Thou shalt not build a house for my name, because thou art a man of war, and hast shed blood.", "sna": "Asi Mwari akati kwandiri, ‘Iwe hausi kuzovakira Zita rangu imba, nokuti uri murwi uye wakateura ropa.’" }
554
1CH_28_4
{ "en": "Howbeit Jehovah, the God of Israel, chose me out of all the house of my father to be king over Israel for ever: for he hath chosen Judah to be prince; and in the house of Judah, the house of my father; and among the sons of my father he took pleasure in me to make me king over all Israel;", "sna": "“Asi Jehovha, Mwari waIsraeri, akandisarudza kubva kumhuri yangu yose kuti ndive mambo pamusoro paIsraeri nokusingaperi. Akasarudza Judha kuti ave mhuri yangu, uye kubva muvanakomana vababa vangu akafadzwa nokundiita mambo pamusoro peIsraeri." }
555
1CH_28_5
{ "en": "and of all my sons (for Jehovah hath given me many sons), he hath chosen Solomon my son to sit upon the throne of the kingdom of Jehovah over Israel.", "sna": "Pavanakomana vangu vose, uye Jehovha akandipa vakawanda kwazvo, iye akasarudza mwanakomana wangu Soromoni kuti agare pachigaro choumambo hwaJehovha pamusoro paIsraeri." }
556
1CH_28_6
{ "en": "And he said unto me, Solomon thy son, he shall build my house and my courts; for I have chosen him to be my son, and I will be his father.", "sna": "Akati kwandiri, ‘Soromoni mwanakomana wako ndiye achavaka imba yangu nezvivanze zvangu, ndichava baba vake." }
557
1CH_28_7
{ "en": "And I will establish his kingdom for ever, if he be constant to do my commandments and mine ordinances, as at this day.", "sna": "Ndichasimbisa umambo hwake nokusingaperi kana iye akatsungirira mukuita zvandakarayira nemitemo yangu sezviri kuitwa panguva ino.’" }
558
1CH_28_8
{ "en": "Now therefore, in the sight of all Israel, the assembly of Jehovah, and in the audience of our God, observe and seek out all the commandments of Jehovah your God; that ye may possess this good land, and leave it for an inheritance to your children after you for ever.", "sna": "“Saka zvino ndinokurayira pamberi peIsraeri yose uye napamberi peungano yaJehovha, uye Mwari wedu achinzwa: Chenjerera kuti utevere kurayira kwose kwaJehovha senhaka kuvana vako nokusingaperi." }
559
1CH_28_9
{ "en": "And thou, Solomon my son, know thou the God of thy father, and serve him with a perfect heart and with a willing mind; for Jehovah searcheth all hearts, and understandeth all the imaginations of the thoughts. If thou seek him, he will be found of thee; but if thou forsake him, he will cast thee off for ever.", "sna": "“Newewo mwanakomana wangu Soromoni, ziva Mwari wababa vako, uye umushumire nomwoyo wose uye nepfungwa dzako dzose, nokuti Jehovha anonzvera mwoyo uye anonzwisisa chinangwa chipi nechipi chiri mupfungwa. Ukamutsvaga achawanikwa newe, asi kana ukamurasa, iye achakuramba nokusingaperi." }
560
1CH_29_1
{ "en": "And David the king said unto all the assembly, Solomon my son, whom alone God hath chosen, is yet young and tender, and the work is great; for the palace is not for man, but for Jehovah God.", "sna": "Ipapo Mambo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Mwanakomana wangu Soromoni uyo asarudzwa naMwari mudiki uye haasati ava kunyatsogona. Basa iri iguru kwazvo nokuti muzinda uyu hausi womunhu asi ndowaJehovha Mwari." }
561
1CH_29_10
{ "en": "Wherefore David blessed Jehovah before all the assembly; and David said, Blessed be thou, O Jehovah, the God of Israel our father, for ever and ever.", "sna": "Dhavhidhi akarumbidza Jehovha pamberi peungano yose achiti, “Rumbidzwai imi Jehovha, Mwari wababa vedu Israeri, kubva kusingaperi kusvika kusingaperi." }
562
1CH_29_11
{ "en": "Thine, O Jehovah, is the greatness, and the power, and the glory, and the victory, and the majesty: for all that is in the heavens and in the earth is thine ; thine is the kingdom, O Jehovah, and thou art exalted as head above all.", "sna": "Ukuru nesimba ndezvenyu, imi Jehovha, kukudzwa noushe nokubwinya, nokuti zvose zviri kudenga napasi ndezvenyu. Umambo ndohwenyu, imi Jehovha munokudzwa somusoro wezvose." }
563
1CH_29_12
{ "en": "Both riches and honor come of thee, and thou rulest over all; and in thy hand is power and might; and in thy hand it is to make great, and to give strength unto all.", "sna": "Upfumi nokuremekedzwa zvinobva kwamuri; ndimi mutongi wezvinhu zvose. Mumaoko enyu mune simba noushe kuti musimudzire uye musimbise vanhu vose." }
564
1CH_29_13
{ "en": "Now therefore, our God, we thank thee, and praise thy glorious name.", "sna": "Zvino, Mwari wedu, tinokuvongai, uye tinorumbidza zita renyu rakanakisa." }
565
1CH_29_14
{ "en": "But who am I, and what is my people, that we should be able to offer so willingly after this sort? for all things come of thee, and of thine own have we given thee.", "sna": "“Asi ini ndini aniko, uye vanhu vangu ndivanaaniko kuti tingakwanisa kupa zvakawanda kudai? Zvose zvinobva kwamuri, uye tangokupai chete zvinobva mumaoko enyu." }
566
1CH_29_15
{ "en": "For we are strangers before thee, and sojourners, as all our fathers were: our days on the earth are as a shadow, and there is no abiding.", "sna": "Tiri vatorwa navapfuuri pamberi penyu, sezvakanga zvakaita madzibaba edu ose. Mazuva edu panyika akaita somumvuri, asina tariro." }
567
1CH_29_16
{ "en": "O Jehovah our God, all this store that we have prepared to build thee a house for thy holy name cometh of thy hand, and is all thine own.", "sna": "Imi Jehovha, Mwari wedu, izvi zvose zvakawanda kudai zvatapa kuti temberi yenyu ivakwe nokuda kweZita renyu Dzvene zvinobva muruoko rwenyu uye zvose ndezvenyu." }
568
1CH_29_17
{ "en": "I know also, my God, that thou triest the heart, and hast pleasure in uprightness. As for me, in the uprightness of my heart I have willingly offered all these things: and now have I seen with joy thy people, that are present here, offer willingly unto thee.", "sna": "Ndinoziva, Mwari wangu, kuti munoedza mwoyo uye munofadzwa nokururama. Zvinhu zvose izvi ndakupai ndichida uye nomwoyo wakatendeka. Uye zvino ndaona ndikafadzwa namapiro aita vanhu venyu vari pano kwamuri nomwoyo unoda." }
569
1CH_29_18
{ "en": "O Jehovah, the God of Abraham, of Isaac, and of Israel, our fathers, keep this for ever in the imagination of the thoughts of the heart of thy people, and prepare their heart unto thee;", "sna": "Imi Jehovha, Mwari wamadzibaba edu Abhurahama, Isaka, naIsraeri, chengetedzai kudokwairira kwakadai mumwoyo yavanhu venyu nokusingaperi, uye muite kuti mwoyo yavo irambe yakazvipira kwamuri." }
570
1CH_29_19
{ "en": "and give unto Solomon my son a perfect heart, to keep thy commandments, thy testimonies, and thy statutes, and to do all these things, and to build the palace, for which I have made provision.", "sna": "Uye ipai mwanakomana wangu Soromoni mwoyo wakaperera kuti achengete mirayiro yenyu, zvose zvamunoda nemitemo yenyu uye kuti aite zvose kuti avake muzinda wandagadzirira zvose izvi.”" }
571
1CH_29_2
{ "en": "Now I have prepared with all my might for the house of my God the gold for the things of gold, and the silver for the things of silver, and the brass for the things of brass, the iron for the things of iron, and wood for the things of wood; onyx stones, and stones to be set, stones for inlaid work, and of divers colors, and all manner of precious stones, and marble stones in abundance.", "sna": "Nokuwana kwangu kwose ndapa kutemberi yaMwari wangu goridhe pabasa regoridhe, sirivha pabasa resirivha, ndarira pabasa rendarira, simbi pabasa resimbi uye matanda pabasa ramatanda, pamwe chete neonikisi, namabwe okuisa mukati namatombo amavara akasiyana-siyana, namamwe mabwe akaurungana amarudzi ose namamwe machena, zvose izvi zvakawanda kwazvo." }
572
1CH_29_20
{ "en": "And David said to all the assembly, Now bless Jehovah your God. And all the assembly blessed Jehovah, the God of their fathers, and bowed down their heads, and worshipped Jehovah, and the king.", "sna": "Ipapo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Rumbidzai Jehovha Mwari wenyu.” Saka vose vakarumbidza Jehovha, Mwari wamadzibaba avo; vakakotamira pasi vakawira pasi nezviso pamberi paJehovha naMambo." }
573
1CH_29_21
{ "en": "And they sacrificed sacrifices unto Jehovah, and offered burnt-offerings unto Jehovah, on the morrow after that day, even a thousand bullocks, a thousand rams, and a thousand lambs, with their drink-offerings, and sacrifices in abundance for all Israel,", "sna": "Zuva raitevera vakapa zvipiriso kuna Jehovha vakapa zvipiriso zvinopiswa kwaari zvinoti: hando chiuru, makondobwe chiuru, namakwayana makono chiuru, pamwe chete nezvipiriso zvavo zvokunwa, nezvimwe zvibayiro zvakawanda zveIsraeri." }
574
1CH_29_22
{ "en": "and did eat and drink before Jehovah on that day with great gladness. And they made Solomon the son of David king the second time, and anointed him unto Jehovah to be prince, and Zadok to be priest.", "sna": "Vakadya uye vakanwa nomufaro mukuru pamberi paJehovha zuva iroro. Ipapo vakazogamuchira Soromoni mwanakomana waDhavhidhi samambo kechipiri, vakamuzodza pamberi paJehovha kuti ave mutongi, uye Zadhoki ave muprista." }
575
1CH_29_23
{ "en": "Then Solomon sat on the throne of Jehovah as king instead of David his father, and prospered; and all Israel obeyed him.", "sna": "Saka Soromoni akagara pachigaro choushe chaJehovha samambo panzvimbo yababa vake Dhavhidhi. Akabudirira uye Israeri yose yakamuteerera." }
576
1CH_29_24
{ "en": "And all the princes, and the mighty men, and all the sons likewise of king David, submitted themselves unto Solomon the king.", "sna": "Vatungamiri vose pamwe chete navarume voumhare, pamwe chete navanakomana vose vaMambo vaDhavhidhi vakavimbisa kuzviisa pasi paMambo Soromoni." }
577
1CH_29_25
{ "en": "And Jehovah magnified Solomon exceedingly in the sight of all Israel, and bestowed upon him such royal majesty as had not been on any king before him in Israel.", "sna": "Jehovha akasimudzira Soromoni kwazvo pamberi peIsraeri yose akaisa paari kukudzwa kwoumambo kusina kumbopiwa mumwe mambo weIsraeri akamutangira." }
578
1CH_29_26
{ "en": "Now David the son of Jesse reigned over all Israel.", "sna": "Dhavhidhi mwanakomana waJese aiva mambo pamusoro peIsraeri yose." }
579
1CH_29_27
{ "en": "And the time that he reigned over Israel was forty years; seven years reigned he in Hebron, and thirty and three years reigned he in Jerusalem.", "sna": "Akatonga Israeri kwamakore makumi mana, manomwe muHebhuroni uye makumi matatu namatatu muJerusarema." }
580
1CH_29_28
{ "en": "And he died in a good old age, full of days, riches, and honor: and Solomon his son reigned in his stead.", "sna": "Akafa akwegura zvikuru ararama upenyu hurefu, hune upfumi nokukudzwa. Mwanakomana wake Soromoni akamutevera paumambo." }
581
1CH_29_29
{ "en": "Now the acts of David the king, first and last, behold, they are written in the history of Samuel the seer, and in the history of Nathan the prophet, and in the history of Gad the seer,", "sna": "Kana zviri zvinhu zvakaitika panguva yokutonga kwaMambo Dhavhidhi kubva pakutanga kusvika kumagumo, zvakanyorwa muzvinyorwa zvaSamueri muoni, zvinyorwa zvaNatani muprofita, uye nomuzvinyorwa zvaGadhi muoni," }
582
1CH_29_3
{ "en": "Moreover also, because I have set my affection on the house of my God, seeing that I have a treasure of mine own of gold and silver, I give it unto the house of my God, over and above all that I have prepared for the holy house,", "sna": "Pamusoro pezvo mukuzvipira kwangu kutemberi yaMwari wangu zvino ndava kupa upfumi hwangu pachangu hwegoridhe nesirivha kutemberi yaMwari wangu, ndichiwedzera pamusoro pezvose zvandakapa kutemberi iyi tsvene zvinoti:" }
583
1CH_29_30
{ "en": "with all his reign and his might, and the times that went over him, and over Israel, and over all the kingdoms of the countries.", "sna": "pamwe chete nenhoroondo dzokutonga kwake, uye nesimba, nezvinhu zvakaitika kwaari iye neIsraeri noumambo hwedzimwe nyika dzose." }
584
1CH_29_4
{ "en": "even three thousand talents of gold, of the gold of Ophir, and seven thousand talents of refined silver, wherewith to overlay the walls of the houses;", "sna": "Matarenda zviuru zvitatu egoridhe (goridhe reOfiri) namatarenda zviuru zvinomwe esirivha yakanatswa yokufukidza madziro edzimba," }
585
1CH_29_5
{ "en": "of gold for the things of gold, and of silver for the things of silver, and for all manner of work to be made by the hands of artificers. Who then offereth willingly to consecrate himself this day unto Jehovah?", "sna": "kuitira basa regoridhe, nebasa resirivha uye kuti basa rose riitwe navarume voumhizha. Zvino ndiani anoda kuzvitsaurira kuna Jehovha nhasi!”" }
586
1CH_29_6
{ "en": "Then the princes of the fathers’ houses , and the princes of the tribes of Israel, and the captains of thousands and of hundreds, with the rulers over the king’s work, offered willingly;", "sna": "Ipapo vatungamiri vemhuri, vakuru vamarudzi eIsraeri, vatungamiri vezviuru, vatungamiri vamazana namachinda aitungamirira basa ramambo vakapa nomwoyo unoda." }
587
1CH_29_7
{ "en": "and they gave for the service of the house of God of gold five thousand talents and ten thousand darics, and of silver ten thousand talents, and of brass eighteen thousand talents, and of iron a hundred thousand talents.", "sna": "Vakapa kubasa rapatemberi matarenda zviuru zvishanu namadhariki zviuru gumi egoridhe, matarenda zviuru gumi esirivha, matarenda zviuru gumi nezvisere endarira, namatarenda zviuru zana esimbi." }
588
1CH_29_8
{ "en": "And they with whom precious stones were found gave them to the treasure of the house of Jehovah, under the hand of Jehiel the Gershonite.", "sna": "Ani naani akanga ane matombo anokosha akapa ose kuimba yokuchengeta pfuma yetemberi yaJehovha zvichichengetwa naJehieri muGerishoni." }
589
1CH_29_9
{ "en": "Then the people rejoiced, for that they offered willingly, because with a perfect heart they offered willingly to Jehovah: and David the king also rejoiced with great joy.", "sna": "Vanhu vakapembera nomufaro pavakaona kuti vatungamiri vavo vakanga vapa nomwoyo unoda, nokuti vakanga vapa kuna Jehovha vakasununguka uye nomwoyo wose. Mambo Dhavhidhi akafarawo zvikuru." }
590
1CH_2_1
{ "en": "These are the sons of Israel: Reuben, Simeon, Levi, and Judah, Issachar, and Zebulun,", "sna": "Ava ndivo vaiva vanakomana vaIsraeri: Rubheni, Simeoni, Revhi, Judha, Isakari, Zebhuruni," }
591
1CH_2_10
{ "en": "And Ram begat Amminadab, and Amminadab begat Nahshon, prince of the children of Judah;", "sna": "Rami aiva baba vaAminadhabhi, uye Aminadhabhi aiva baba vaNahashoni mutungamiri wavanhu veJudha." }
592
1CH_2_11
{ "en": "and Nahshon begat Salma, and Salma begat Boaz,", "sna": "Nahashoni aiva baba vaSarimoni, Sarimoni ari baba vaBhoazi," }
593
1CH_2_12
{ "en": "and Boaz begat Obed, and Obed begat Jesse;", "sna": "Bhoazi aiva baba vaObhedhi uye Obhedhi aiva baba vaJese." }
594
1CH_2_13
{ "en": "and Jesse begat his first-born Eliab, and Abinadab the second, and Shimea the third,", "sna": "Jese aiva baba vaEriabhi dangwe rake; mwanakomana wake wechipiri ainzi Abhinadhabhi, wechitatu ainzi Shimea," }
595
1CH_2_14
{ "en": "Nethanel the fourth, Raddai the fifth,", "sna": "wechina ainzi Netaneri, wechishanu ainzi Radhai," }
596
1CH_2_15
{ "en": "Ozem the sixth, David the seventh;", "sna": "wechitanhatu ainzi Ozemi uye wechinomwe ainzi Dhavhidhi." }
597
1CH_2_16
{ "en": "and their sisters were Zeruiah and Abigail. And the sons of Zeruiah: Abishai, and Joab, and Asahel, three.", "sna": "Hanzvadzi dzavo dzaiva Zeruya naAbhigairi. Vanakomana vatatu vaZeruya vaiva Abhishai, Joabhu naAsaheri." }
598
1CH_2_17
{ "en": "And Abigail bare Amasa; and the father of Amasa was Jether the Ishmaelite.", "sna": "Abhigairi aiva amai vaAmasa, baba vaAmasa vainzi Jeteri muIshumaeri." }
599
1CH_2_18
{ "en": "And Caleb the son of Hezron begat children of Azubah his wife, and of Jerioth; and these were her sons: Jesher, and Shobab, and Ardon.", "sna": "Karebhu mwanakomana waHezironi akabereka vana nomudzimai wake Azubha (uye naJerioti). Ava ndivo vaiva vanakomana vake: Jesheri Shobhabhi naAridhoni." }
600
1CH_2_19
{ "en": "And Azubah died, and Caleb took unto him Ephrath, who bare him Hur.", "sna": "Azubha paakafa Karebhu akaroora Efurati uyo akamuberekera Huri." }